Isaki akadaidza Jakobho akamukomborera ndokumuyambira achiti, “Usaroore mukadzi wechiKanani. Sumuka uende kuMesopotamia kumusha kwaBhetueri, baba vaamai vako undotsvaka musikana mumhuri yaRabhani, hanzvadzi yaamai vako uroore. Iye Aripagomo ngaakukomborere akupe vana vazhinji, vawande zvokuti vave madzinza namadzinza avanhu. Ngaakupe chikomborero chaAbhurahamu, iwe nezvizvarwa zvako chokuti uve muridzi wenyika ino yatiri kumboti apa garei tame apa garei yakapiwa Abhurahamu naMwari!” Naizvozvo Isaki akaendesa Jakobho kuMesopotamia kuhanzvadzi yaRibheka, amai vaJakobho naEsau, kwaRabhani mwanakomana waBhetueri muAramu.
Esau akazvinzwa kuti Isaki akakomborera Jakobho, akamuendesa kuMesopotamia kundoroora mukadzi ikoko. Akanzwawo kuti paakamukomborera akamuti, “Usaroore mukadzi wechiKanani.” Akazvizivawo kuti Jakobho akanga ateerera baba naamai vake akaenda kuMesopotamia. Ipapo Esau akazviziva kuti baba vake Isaki havadi vakadzi vechiKanani, akabva aenda kuna Ishimaeri mwanakomana waAbhurahamu, akandoroora Maharati mwana waIshimaeri, hanzvadzi yaNebhayoti achiwedzera pavakadzi vaakanga anavo.
Jakobho akapinda murwendo rwake rwokuenda kuHarani achibva kuBheerishebha. Akadokerwa nezuva ave pane imwe nzvimbo akararapo. Ava kurara akatora rimwe ibwe repo akariita mutsago ndokukotsira zvake. Akarota achiona manera akanga akamiswa panyika achisvika kudenga, vatumwa vaMwari vachiashandisa kukwira kudenga nokuburuka pasi. Akaonawo Tenzi amire kumusoro kwamanera acho achiti, “Ndini Tenzi, Mwari waAbhurahamu vasekuru vako naMwari waIsaki. Nyika iyoyi yaurere, ndichaipa kwauri navana vako. Vana vako vachawanda seguruva renyika, muchatekeshera kumadokero nokumabvazuva nokuchamhembe nokumaodzanyemba. Pamusana pako iwe navana vako, mhuri dzapasi pose dzichawaniswa makomborero. Chinzwa, ndichava newe ndichikuchengeta kwose kwaunenge uri. Ndichakudzosera kunyika ino nokuti handizombosiyana newe kusvikira ndaita zvandakuudza izvi.”
Jakobho akapepuka muhope akati, “Zvechokwadi Tenzi ari panzvimbo ino asi ini ndanga ndisingazvizivi.” Akabva atya ndokuti, “Inga nzvimbo ino inoera! Imba yaMwari chete, iwoyu ndomusuo wedenga.”
Jakobho akafumomuka, akatora ibwe raakanga akatsamira ndokurimisa kuti rive ibwe rechiyeuchidzo, ndokubva adira mafuta pamusoro paro. Akatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti Bhetieri, asi kare guta iroro raimbonzi Ruzi. Jakobho ndokupika nemhiko achiti, “Kana Mwari akava neni akandichengeta parwendo rwangu rwandiri kuenda achindipa chokudya nechokupfeka, ndichizodzokerazve kumusha kwababa vangu zvakanaka, Tenzi achava Mwari wangu. Paibwe iri randamisa pano kuti rive ibwe rechiyeuchidzo pachava imba yaMwari. Pazvinhu zvose zvamuchandipa ndichabvisa chegumi chazvo ndichikupai.”