Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 10:1-15

Ekisodho 10:1-15 SNA2002

Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Pinda kuna Farao, nokuti ndaomesa mwoyo wake, nemwoyo yavaranda vake, kuti ndiise zviratidzo zvangu izvo pakati pavo; kuti iwe ugotaura munzeve dzomwanakomana wako, nedzomwanakomana womwanakomana wako, zvose zvandakaitira Ijipiti, nezviratidzo zvandakaita pakati pavo; muzive kuti ndini Jehovha.” Zvino Mosesi naAroni vakapinda kuna Farao, vakati kwaari, “Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru, ‘Ucharamba kuzvininipisa pamberi pangu kusvikira riniko?’ Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate. Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu kuenda, tarira, mangwana ndichauyisa mhashu panyika yenyu; dzichafukidza nyika yose, kuti munhu asagona kuona pasi; dzichadya zvakasara zvakapukunyuka, zvamakasiyirwa nechimvuramabwe, dzichadya miti yose inokumererai muminda; nedzimba dzenyu dzichazara, nedzimba dzavaranda venyu vose, nedzimba dzavaIjipiti vose; zvakadaro hazvina kumboonekwa namadzibaba enyu, namadzibaba amadzibaba enyu, kubva pazuva ravakatanga panyika kusvikira zuva rino.” Ipapo akatendeuka akabuda pamberi paFarao. Zvino varanda vaFarao vakati kwaari, “Munhu uyu achava musungo kwatiri kusvikira riniko? Tenderai henyu vanhu kuenda, vandonamata Jehovha Mwari wavo; hamuzivi here kuti Ijipiti raparadzwa?” Zvino Mosesi naAroni vakadzoserwazve kuna Farao, iye akati kwavari, “Endai mundonamata Jehovha Mwari wenyu; asi vachaenda ndivananiko?” Mosesi akati, “Tichaenda navaduku vedu, navakuru vedu, navakomana vedu navasikana vedu; tichaenda namakwai edu, nemombe dzedu; nokuti tinofanira kuitira Jehovha mutambo.” Iye akati kwavari, “Jehovha ngaave nemi kana ini ndikatongokutenderai kuenda, imi nepwere dzenyu! Chenjerai, nokuti munenge munofunga zvakaipa. Haisa! Imi varume endai henyu, mundonamata Jehovha, nokuti ndizvo zvamakumbira.” Vakadzingwa pamberi paFarao. Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro penyika yeIjipiti, mhashu dziuye pamusoro penyika yeIjipiti, dzidye miti yose yenyika yose yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe.” Mosesi akatambanudzira tsvimbo yake pamusoro penyika yeIjipiti, Jehovha akauyisa pamusoro penyika mhepo yakabva kumabvazuva zuva iroro rose nousiku hwose; zvino fume mangwana mhepo yokumabvazuva ikauyisa mhashu. Mhashu dzikauya pamusoro penyika yose yeIjipiti, dzikandomhara munyika yose yeIjipiti; dzakanga dzakawanda kwazvo; mhashu dzakadai hadzina kumbovapo kubva pakutanga, uye dzakaita saidzodzo hadzingazovipozve. Nokuti dzakafukidza nyika yoseyose, nyika ikati zvi! Dzikadya miti yose yenyika, nemichero yose yemiti, yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe; hapana kuzosara kunyange chinhu chimwe chitema pamiti, kana pamiriwo yeminda, panyika yose yeIjipiti.

Verenga chikamu Ekisodho 10