Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 10:1-15

Ekisodho 10:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro nokuti ndaomesa mwoyo wake uye nemwoyo yamachinda ake kuitira kuti ndiite zviratidzo zvangu izvi pakati pavo, kuti mugoudza vana venyu navazukuru venyu marangiro akaoma andakaita vaIjipita uye kuti ndakaita zviratidzo zvangu sei pakati pavo, uye kuti imi mugoziva kuti ndini Jehovha.” Saka Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakandoti kwaari, “Zvanzi naJehovha: Mwari wavaHebheru, ‘Uchasvika riniko uchiramba kuzvininipisa pamberi pangu? Rega vanhu vangu vaende kuti vanondinamata. Kana uchiramba kuvatendera kuenda, ini ndichauyisa mhashu munyika yako mangwana. Dzichafukidza nyika yose zvokuti pasi hapangaonekwi. Dzichadya zvishoma zvawakanga wasiyirwa shure kwechimvuramabwe, pamwe chete nemiti yose iri kumera muminda yako. Dzichazadza dzimba dzako nedzamachinda ako nedzavaIjipita vose, chinhu chisina kumboonekwa namadzibaba ako kana madzitateguru ako kubva pazuva ravakagara munyika ino kusvika zvino.’ ” Ipapo Mozisi akatendeuka akabva pana Faro. Machinda aFaro akati kwaari, “Munhu uyu acharamba ari musungo kwatiri kusvikira riniko? Regai vanhu vaende, kuti vagonamata Jehovha Mwari wavo. Ko, hamusi kuzviona here nazvino kuti Ijipiti yaparara?” Ipapo Mozisi naAroni vakadzoswazve kuna Faro. Iye akati, “Endai mundonamata Jehovha Mwari wenyu. Asi vachaenda ndivanaaniko?” Mozisi akapindura akati, “Tichaenda navaduku vedu uye navakuru, pamwe chete navanakomana vedu navanasikana vedu, uye namakwai edu nemombe dzedu, nokuti tinofanira kuita mutambo wokupemberera Jehovha.” Faro akati, “Jehovha ngaave nemi, kana ndikakutenderai kuenda, pamwe chete navakadzi navana venyu! Zviri pachena kuti imi muri kuda kuita zvakaipa. Kwete! Varume chete ngavaende; vandonamata Jehovha, sezvo zviri izvo zvamanga muchikumbira.” Ipapo Mozisi naAroni vakadzingwa pamberi paFaro. Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudza ruoko rwako pamusoro peIjipiti kuitira kuti mhashu dzigoita bute pamusoro dzigodya zvose zvinomera muminda, zvose zvakasiyiwa nechimvuramabwe.” Saka Mozisi akatambanudza tsvimbo yake pamusoro peIjipiti, uye Jehovha akaita kuti mhepo yokumabvazuva ivhuvhute munyika zuva rose nousiku hwose. Mangwanani, mhepo yakanga yauyisa mhashu; dzakazadza Ijipiti yose uye dzikamhara munzvimbo dzose dzenyika dzakawanda zvikuru. Hakuna kutongova nedambudziko remhashu rakadai, uye harichazombovapozve. Dzakafukidza pasi pose kusvikira pasviba kuti svi-i. Dzakadya zvose zvakanga zvasara shure kwechimvuramabwe, zvinhu zvose zvaimera muminda uye michero yaiva pamiti. Hakuna chakasvibirira chakasara mumiti kana zvirimwa zvomunyika yose yeIjipiti.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 10

Ekisodho 10:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Pinda kuna Farao, nokuti ndaomesa mwoyo wake, nemwoyo yavaranda vake, kuti ndiise zviratidzo zvangu izvo pakati pavo; kuti iwe ugotaura munzeve dzomwanakomana wako, nedzomwanakomana womwanakomana wako, zvose zvandakaitira Ijipiti, nezviratidzo zvandakaita pakati pavo; muzive kuti ndini Jehovha.” Zvino Mosesi naAroni vakapinda kuna Farao, vakati kwaari, “Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru, ‘Ucharamba kuzvininipisa pamberi pangu kusvikira riniko?’ Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate. Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu kuenda, tarira, mangwana ndichauyisa mhashu panyika yenyu; dzichafukidza nyika yose, kuti munhu asagona kuona pasi; dzichadya zvakasara zvakapukunyuka, zvamakasiyirwa nechimvuramabwe, dzichadya miti yose inokumererai muminda; nedzimba dzenyu dzichazara, nedzimba dzavaranda venyu vose, nedzimba dzavaIjipiti vose; zvakadaro hazvina kumboonekwa namadzibaba enyu, namadzibaba amadzibaba enyu, kubva pazuva ravakatanga panyika kusvikira zuva rino.” Ipapo akatendeuka akabuda pamberi paFarao. Zvino varanda vaFarao vakati kwaari, “Munhu uyu achava musungo kwatiri kusvikira riniko? Tenderai henyu vanhu kuenda, vandonamata Jehovha Mwari wavo; hamuzivi here kuti Ijipiti raparadzwa?” Zvino Mosesi naAroni vakadzoserwazve kuna Farao, iye akati kwavari, “Endai mundonamata Jehovha Mwari wenyu; asi vachaenda ndivananiko?” Mosesi akati, “Tichaenda navaduku vedu, navakuru vedu, navakomana vedu navasikana vedu; tichaenda namakwai edu, nemombe dzedu; nokuti tinofanira kuitira Jehovha mutambo.” Iye akati kwavari, “Jehovha ngaave nemi kana ini ndikatongokutenderai kuenda, imi nepwere dzenyu! Chenjerai, nokuti munenge munofunga zvakaipa. Haisa! Imi varume endai henyu, mundonamata Jehovha, nokuti ndizvo zvamakumbira.” Vakadzingwa pamberi paFarao. Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro penyika yeIjipiti, mhashu dziuye pamusoro penyika yeIjipiti, dzidye miti yose yenyika yose yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe.” Mosesi akatambanudzira tsvimbo yake pamusoro penyika yeIjipiti, Jehovha akauyisa pamusoro penyika mhepo yakabva kumabvazuva zuva iroro rose nousiku hwose; zvino fume mangwana mhepo yokumabvazuva ikauyisa mhashu. Mhashu dzikauya pamusoro penyika yose yeIjipiti, dzikandomhara munyika yose yeIjipiti; dzakanga dzakawanda kwazvo; mhashu dzakadai hadzina kumbovapo kubva pakutanga, uye dzakaita saidzodzo hadzingazovipozve. Nokuti dzakafukidza nyika yoseyose, nyika ikati zvi! Dzikadya miti yose yenyika, nemichero yose yemiti, yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe; hapana kuzosara kunyange chinhu chimwe chitema pamiti, kana pamiriwo yeminda, panyika yose yeIjipiti.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 10

Ekisodho 10:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Enda kuna Farao nokuti ndaita kuti aomese mwoyo, iye namachinda ake kuti ndiite zviratidzo zvangu pakati pavo. Ndinodawo kuti imi vaIsiraeri muzokwanisa kukurukurira vana venyu navazukuru venyu, vachinzwa nenzeve dzavo kupusisa kunorwadza kwandakaita vaIjipiti nezviratidzo zvandakaita pakati pavo, mugoziva kuti ini ndini Tenzi.” Mosesi naAroni vakaenda kuna Farao vakandoti, “Zvanzi naTenzi, Mwari wevaHebheru, ‘Iwe ucharamba kuzvirereka kwandiri kusvikira riniko? Rega vanhu vangu vaende vandondinamata nokuti kana ukaramba kuti vanhu vangu vaende, ndichaunza mhashu munyika mako mangwana. Mhashu dzacho dzichazara zvokufukidza nyika yose zvokuti pasi hapazoonekwa. Dzichadya zvakasara muminda zvisina kuparadzwa nechimvuramahwe, dzichidyawo miti yenyu yose yomuminda. Mhashu dzichati farara mumba mako nomudzimba dzamachinda ako, nedzevaIjipiti vose, zvisina kumboonekwa namadzibaba kana namadzisekuru ako chingo chavakauya panyika kusvikira pari nhasi.’ ” Ipapo Mosesi akafuratira Farao ndokuenda. Machinda aFarao akamuti, “Munhu uyu acharamba achititambudzisa kusvikira riniko? Zviri nani kuti murege vaIsiraeri vaende zvavo vandonamata Tenzi, Mwari wavo. Ko nazvino wose hamusi kuonawo here kuti kutoparara kuri kuita nyika yeIjipiti ikoku?” Ipapo Mosesi naAroni vakabva vadzorwa kuna Farao. Iye akavati, “Chiendai zvenyu mundonamata Tenzi, Mwari wenyu. Ko zvino vachaenda ndivanaaniko?” Mosesi akati, “Tichaenda tose vakuru navaduku. Tichatakura vana vedu vakomana navasikana. Tichaendawo nemombe nezvimwe zvipfuwo zvedu zvose nokuti tiri kundoita mabiko chaiwo okupemberera Tenzi.” Mambo akavatsanangurira achiti, “Kana zvikaitika kuti ndikubvumidzei kuenda zvenyu navana venyu, kubva Tenzi wacho iyeyo ngaave nemika. Chionaika zvamuri kuronga zvakaipa kwazvo. Hazvimboitika! Vanhurume chete ndivo vachaenda kundonamata Tenzi. Inga ndizvo zvamanga muchida wani!” Pakarepo Mosesi naAroni vakadzingwa pana Farao. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Simudzira ruoko rwako pamusoro penyika yose yeIjipiti kuti mhashu dziuye, muIjipiti dzidye zvose zvisina kuparadzwa nechimvuramahwe.” Mosesi akatambanudza tsvimbo yake pamusoro penyika yose yeIjipiti. Tenzi akaunza mhepo yakabva kumabvazuva, yakaswerera ikararira ichivhuvhuta. Kuzoti kwaedza mhepo yokumabvazuva iyi yakaunza mhashu. Mhashu dzacho dzakauya dzakawanda kwazvo munyika yose yeIjipiti, dzikamhara zvokuti tsvete nyika yose zvayo yeIjipiti. Mhashu dzakadai hadzina kumboonekwa kubvira pasi chigare uye hadzizombofi dzakaonekwazve. Dzakamomotera nyika yose, zvokuti pasi pakati ndo-o kusviba. Dzakadya zvose zvaiva munyika iyi. Dzakadyawo michero yose yomumiti yakanga yasiyiwa nechimvuramahwe. Hadzina kusiya kana shizha zvaro nyoro pamuti kana pane kai zvako muminda munyika yose zvayo yeIjipiti.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 10

Ekisodho 10:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Pinda kunaFarao, nokuti ndawomesa mŋoyo wake, nemŋoyo yaʋaranda ʋake, kuti ndiise ɀiratidzo ɀaŋgu iɀo pakati paʋo; kuti iwe ugotaura munzeʋe dzomŋanakomana wako, nedzomŋanakomana womŋanakomana wako, ɀose ɀandakaitira Egipita, neɀiratidzo ɀandakaita pakati paʋo; muziʋe kuti ndini Jehova. Ɀino Mosesi naAroni ʋakapinda kunaFarao, ʋakati kwaari: Ɀanzi naJehova, Mŋari waʋaHeberu: Ucaramba kuɀininipisa pamberi paŋgu kuȿikira riniko? Tendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda ʋandinamate. Nokuti kana ukaramba kutendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda, tarira, maŋgwana ndicaʋuyisa mhashu panyika yenyu; dzicafukidza nyika yose, kuti munhu asagona kuʋona pasi; dzicadya ɀakasara ɀakapukunyuka, ɀamakasiyirwa necimvuramabge, dzicadya miti yose inokumererai muminda; nedzimba dzenyu dzicazara, nedzimba dzaʋaranda ʋenyu ʋose, nedzimba dzaʋaEgipita ʋose; ɀakaɗaro haɀina‐kumboʋonekwa namadziɓaɓa enyu, namadziɓaɓa amadziɓaɓa enyu, kubva pazuʋa raʋakataŋga panyika kuȿikira zuʋa rino. Ipapo akatendeʋuka akaɓuɗa pamberi paFarao. Ɀino ʋaranda ʋaFarao ʋakati kwaari: Munhu uyu ucaʋa musuŋgo kwatiri kuȿikira riniko? Tenderai henyu ʋanhu kuenda, ʋandonamata Jehova Mŋari waʋo; hamuziʋi here kuti Egipita raparadzwa? Ɀino Mosesi naAroni ʋakadzoserwa ɀe kunaFarao, iye akati kwaʋari: Endai mundonamata Jehova Mŋari wenyu; asi ʋacaenda ndiʋananiko? Mosesi akati: Ticaenda naʋaɗuku ʋeɗu, naʋakuru ʋeɗu, naʋanakomana ʋeɗu naʋanasikana ʋeɗu; ticaenda namakwai eɗu, neŋombe dzeɗu; nokuti tinofanira kuitira Jehova mutambo. Iye akati kwaʋari: Jehova ŋgaaʋe nemi kana ini ndikatoŋgokutenderai kuenda, imi nepxere dzenyu! Cenjerai, nokuti muneŋge munofuŋga ɀakaipa. Haiȿa! Imi ʋarume endai henyu, mundonamata Jehova, nokuti ndiɀo ɀamakumbira. Ʋakadziŋgwa pamberi paFarao. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tambanudzira ruʋoko rwako pamsoro penyika yeEgipita, mhashu dziʋuye pamsoro penyika yeEgipita, dzidye miti yose yenyika yose yakaŋga yasiyiwa necimvuramabge. Mosesi akatambanudzira tȿimbo yake pamsoro penyika yeEgipita, Jehova akaʋuyisa pamsoro penyika mhepo yakabva kumabvazuʋa zuʋa iro rose noʋusiku bgose; ɀino fume maŋgwana mhepo yokumabvazuʋa ikaʋuyisa mhashu. Mhashu dzikaʋuya pamsoro penyika yose yeEgipita, dzikandomhara munyika yose yeEgipita; dzakaŋga dzakawanda kwaɀo; mhashu dzakaɗai hadzina‐kumboʋa’po kubva pakutaŋga, ʋuye dzakaita saidzodzo hadziŋgazoʋi’po ɀe. Nokuti dzakafukidza nyika yose‐yose, nyika ikati ɀi! Dzikadya miti yose yenyika, nemicero yose yemiti, yakaŋga yasiyiwa necimvuramabge; hapana‐kuzosara kunyaŋge cinhu cimŋe citema pamiti, kana pamiriʋo yeminda, panyika yose yeEgipita.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 10

Ekisodho 10:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)