Ngwarira rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari; nokuti kuswedera kuzonzwa kunopfuura kubayira chibayiro chamapenzi; nokuti havazivi kuti vanoita zvakaipa. Usakurumidza nomuromo wako, mwoyo wako urege kukurumidza kutaura shoko pamberi paMwari; nokuti Mwari ari kudenga, iwe uri pasi; naizvozvo mashoko ako ngaave mashoma. Nokuti kurota kunouya namabasa mazhinji, nezwi rebenzi namashoko mazhinji. Kana uchinge wapikira Mwari mhiko, usanonoka kuiripa; nokuti iye haafariri mapenzi; ripa zvaunopika. Zviri nani kuti urege kupika, pakuti upike usingaripi. Usatendera muromo wako kutadzisa nyama yako; usati pamberi pomutumwa waMwari, “Yakanga iri mhosho; Mwari achatsamwireiko izwi rako, akaparadza basa ramaoko ako?” Nokuti pakurota kuzhinji napamashoko mazhinji pane zvisina maturo zvizhinji; asi iwe utye Mwari.
Verenga chikamu Muparidzi 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Muparidzi 5:1-7
21 Days
Learn how best to pray, both from the prayers of the faithful and from the words of Jesus Himself. Find encouragement to keep taking your requests to God every day, with persistence and patience. Explore examples of empty, self righteous prayers, balanced against the pure prayers of those with clean hearts. Pray constantly.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo