Muparidzi 5:1-7
Muparidzi 5:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Chenjerera rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari. Enda pedyo undonzwa pano kuti upe chibayiro chamapenzi, vasingazivi kuti vanoita zvakaipa. Usakurumidza nomuromo wako, usakurumidza mumwoyo mako kutaura chipi zvacho chinhu pamberi paMwari. Mwari ari kudenga uye iwe uri pasi, saka mashoko ako ngaave mashoma. Sokuuya kwechiroto kana pane matambudziko akawanda ndizvowo zvinoita kutaura kwebenzi kana pane mashoko mazhinji. Kana waita mhiko kuna Mwari, usanonoka kuizadzisa. Iye haafariri mapenzi; zadzisa mhiko yako. Zviri nani kurega kupika pano kuita mhiko wozorega kuizadzisa. Usaregera muromo wako uchikutungamirira mukutadza. Uye usapikisa mutumwa wetemberi uchiti, “Ndakakanganisa pakupika.” Mwari achatsamwireiko pamusoro pezvaunotaura, uye agoparadza basa ramaoko ako? Kurota kuzhinji namashoko mazhinji hazvina maturo. Naizvozvo mira utye Mwari.
Muparidzi 5:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ngwarira rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari; nokuti kuswedera kuzonzwa kunopfuura kubayira chibayiro chamapenzi; nokuti havazivi kuti vanoita zvakaipa. Usakurumidza nomuromo wako, mwoyo wako urege kukurumidza kutaura shoko pamberi paMwari; nokuti Mwari ari kudenga, iwe uri pasi; naizvozvo mashoko ako ngaave mashoma. Nokuti kurota kunouya namabasa mazhinji, nezwi rebenzi namashoko mazhinji. Kana uchinge wapikira Mwari mhiko, usanonoka kuiripa; nokuti iye haafariri mapenzi; ripa zvaunopika. Zviri nani kuti urege kupika, pakuti upike usingaripi. Usatendera muromo wako kutadzisa nyama yako; usati pamberi pomutumwa waMwari, “Yakanga iri mhosho; Mwari achatsamwireiko izwi rako, akaparadza basa ramaoko ako?” Nokuti pakurota kuzhinji napamashoko mazhinji pane zvisina maturo zvizhinji; asi iwe utye Mwari.
Muparidzi 5:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chenjerera mafambiro ako kana uchienda kuimba yaMwari. Zviri nani kuendako pamusana pokuda kuteerera pano kundopira chibayiro chamapenzi nokuti havazivi kuti vari kuita zvakaipa. Pakutaura pana Mwari rega kumedza kutsenga uchakuda kana kupindwa nomwoyo wokukurumidza kutaura pana Mwari nokuti Mwari ari kudenga iwe uri pasi pano. Saizvozvo zvaunotaura ngazvive zvishoma. Kurotomoka kunouya kana twunonetsa twawanda. Ndizvozvowo nezvinotaurwa nebenzi kana twarinotaura twawanda. Kana wapika mhiko kuna Mwari rega kunonoka kuita zvawapika zvacho. Haafariri mapenzi. Ita zvawakapika kuita. Zviri nani kusapika mhiko panokupika mhiko uchizorega kuita zvawapika. Rega kuti murumo wako ukutungamirire kutadzira Mwari, uye usati kumutumwa kwaingova zvako kukanganisa. Seiko uchida kuti Mwari ashatirwe nezvaunotaura achizoparadza basa ramaoko ako? Kurotomoka kungawande zvako, zvinotaurwa zvingawande zvazvo asi chako iwe itya Mwari.
Muparidzi 5:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ŋgwarira rutsoka rwako kana ucienda kuimba yaMŋari; nokuti kusweɗera kuzonzwa kunopfuʋura kuɓayira ciɓayiro camapenzi; nokuti haʋaziʋi kuti ʋanoita ɀakaipa. Usakurumidza nomuromo wako, mŋoyo wako urege kukurumidza kutaura shoko pamberi paMŋari; nokuti Mŋari uri kuɗeŋga, iwe uri pasi; naiɀoɀo mashoko ako ŋgaaʋe mashoma. Nokuti kurota kunoʋuya namaɓasa mazhinji, nenzwi reɓenzi namashoko mazhinji. Kana uciŋge wapikira Mŋari mhiko, usanonoka kuiripa; nokuti iye haafariri mapenzi; ripa ɀaunopika. Ɀirinani kuti urege kupika, pakuti upike usiŋgaripi. Usatendera muromo wako kutadzisa nyama yako; usati pamberi pomutumŋa waMŋari: Yakaŋga iri mhosho; Mŋari ucatsamŋireiko inzwi rako, akaparadza ɓasa ramaʋoko ako? Nokuti pakurota kuzhinji napamashoko mazhinji paneɀisinamaturo ɀizhinji; asi iwe utye Mŋari.
Muparidzi 5:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)