Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Muparidzi 5

5
Nzira dzinoʋuyisa mufaro.
1Ŋgwarira rutsoka rwako kana ucienda kuimba yaMŋari; nokuti kusweɗera kuzonzwa kunopfuʋura kuɓayira ciɓayiro camapenzi; nokuti haʋaziʋi kuti ʋanoita ɀakaipa. 2Usakurumidza nomuromo wako, mŋoyo wako urege kukurumidza kutaura shoko pamberi paMŋari; nokuti Mŋari uri kuɗeŋga, iwe uri pasi; naiɀoɀo mashoko ako ŋgaaʋe mashoma. 3Nokuti kurota kunoʋuya namaɓasa mazhinji, nenzwi reɓenzi namashoko mazhinji. 4Kana uciŋge wapikira Mŋari mhiko, usanonoka kuiripa; nokuti iye haafariri mapenzi; ripa ɀaunopika. 5Ɀirinani kuti urege kupika, pakuti upike usiŋgaripi. 6Usatendera muromo wako kutadzisa nyama yako; usati pamberi pomutumŋa waMŋari: Yakaŋga iri mhosho; Mŋari ucatsamŋireiko inzwi rako, akaparadza ɓasa ramaʋoko ako? 7Nokuti pakurota kuzhinji napamashoko mazhinji paneɀisinamaturo ɀizhinji; asi iwe utye Mŋari.
8Kana uciʋona murombo acimanikidzwa, nokururamisa nokururama ɀicibviswa nesimba panyika, usashamiswa naɀo; nokuti mukuru kuʋakuru ʋose unocerekedza; ʋamŋe ʋari’ko ʋakuru kwaʋari. 9Nokuti nyika inoɓatsirwa ɀikuru necinhu ici, mambo unofarira kurimiwa kweminda.
10Unoɗa sirveri, haaŋgagutswi nesirveri, naiye unoɗa ɀakawanda, haaŋgagutswi neɀakawanda; naiɀoɀo haɀinamaturo. 11Kana fuma iciwanda, ʋadyi ʋanowanda ʋo; mŋene wayo unoɓatsirwei, asi kuŋgoʋona nameso ake. 12Hope dzomunhu, unoɓata, dzakanaka, kana acidya ɀishoma kana ɀizhinji; asi kuguta kwomufumi hakumutenderi kuʋata.
13Kunecinhu cakaiȿo‐ipa, candakaʋona pasi pezuʋa, fuma inoceŋgetwa nomŋene wayo, icimuʋonesa nhamo. 14Fuma iyo inopera necinhu cakaipa cinomuwira; kana aciŋge aɓereka mŋanakomana, haanecinhu muruʋoko rwake. 15Seɀaakaɓuɗa muɗumbu ramai ʋake, ucadzoka ɀe asinecinhu, seɀaakaɓuɗa; haana‐caakatamburira, caaŋgatora, caaŋgaenda naco muruʋoko rwake. 16Necinhu ici cakaiȿo‐ipa ʋo, kuti paɀose, seɀaakaʋuya, saiɀoɀo ucaenda ɀe; ɀino ucawaneiko, ɀaakatamburira mhepo? 17Mazuʋa ake ose ʋo unodya murima, unotambudzika kwaɀo; unoʋurwere neshuŋgu.
18Tarirai, ɀandakaʋona kuti ɀakanaka, ɀinofanira munhu, ndiko kuti adye, anwe, afarire ɀinhu ɀakanaka pakuɓata kwake kwose kwaanoɓata pasi pezuʋa, mazuʋa ose oʋupenyu bgake bgaakapiwa naMŋari; nokuti ndiwo mugoʋe wake. 19Munhu mumŋe nomumŋe ʋo, wakapiwa naMŋari fuma neɀakawanda, akapiwa ʋo simba kuti aɀidye, nokutora mugoʋe wake, nokufarira ɀaakaɓatira — ico cipo cinobva kunaMŋari. 20Nokuti iye haaŋgaraŋgariri ɀikuru mazuʋa oʋupenyu bgake, nokuti Mŋari unopindura pamufaro womŋoyo wake.

Zvasarudzwa nguva ino

Muparidzi 5: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda