Muparidzi 4
4
Ɀinotambudza ʋanhu.
1Ɀino ndakadzoka ɀe, ndikaʋona kumanikidzwa kwose kunoitwa pasi pezuʋa; tarira, kwakaŋga kunemisodzi yaʋanomanikidzwa, ʋacishaiwa munyaradzi; ʋamanikidzi ʋaʋo ndiʋo ʋakaŋga ʋanesimba, asi iʋo ʋakashaiwa munyaradzi. 2Naiɀoɀo ndakati ʋakafa, ʋakaŋguʋa ʋafa, ʋanomufaro kupfuʋura ʋapenyu ʋaciri ʋapenyu; 3Ɀirokwaɀo, ndakati ugere kutoŋgoʋa’po, unomufaro kupfuʋura aʋa ʋose, iye usina‐kuʋona ɓasa rakaipa rinoitwa pasi pezuʋa.
4Ɀino ndakaʋona kuɓata kwose noʋumhizha bgose pakuɓata, kuti munhu unoʋeŋgwa nowokwake pamsoro paɀo. Naiɀoɀo haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi. 5Ƃenzi rinofuŋgatira maʋoko aro, ricidya nyama yaro. 6Tsama imŋe yorugare inopfuʋura nokunaka tsama mbiri dzokutambudzika nokudziŋgana nemhepo.
7Ɀino ndakadzoka, ndikaʋona ɀisinamaturo pasi pezuʋa. 8Mumŋe uri’ko unoŋgogara ari oga, asinawecipiri; ɀirokwaɀo, haanomŋanakomana kana munuŋuna, kunyaŋge ɀakaɗaro kuɓata kwake hakunomugumo, ʋuye meso ake haaguti nefuma. Unoti: Ɀino ndinoɓatira ani, ndicinyima mŋeya waŋgu ɀinhu ɀakanaka? Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, ɀirokwaɀo ndiko kutambudzika kukuru. 9Ʋaʋiri ʋanopfuʋura mumŋe, nokuti ʋanomuɓairo wakanaka wokuɓata kwaʋo. 10Nokuti kana ʋakawira pasi, mumŋe ucasimudza shamŋari yake; asi uri oga unenhamo kana aciwira pasi, haanomumŋe uŋgamusimudza. 11Ʋuye ɀe, kana ʋaʋiri ʋaciʋata pamŋe cete, ʋacadziyirwa; asi mumŋe cete uŋgadziyirwa sei? 12Kana munhu akaʋamba mumŋe, ʋaʋiri ʋaŋgamudziʋisa; rwonzi rwakakoshwa mutatu haruŋgakurumidzi kuɗamburwa.
13Jaya murombo, rakacenjera, rinopfuʋura mambo mutana ɓenzi, usicaziʋi kutenda kana aciraŋgwa. 14Nokuti wakaɓuɗa mutoroŋgo kuzoʋa mambo; ɀirokwaɀo, kunyaŋge paʋushe bgake wakaɓerekwa ari murombo. 15Ndakaʋona ʋapenyu ʋose ʋanofamba pasi pezuʋa, ʋaciteʋera jaya, iye wecipiri, wakamuka panɀimbo yake. 16Ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋasiŋgaʋereŋgwi, iʋo ʋose ʋakaŋga ʋakaɓatwa naye; kunyaŋge ɀakaɗaro, ʋanozoteʋera haʋaŋgamufariri. Ɀirokwaɀo, naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi.
Zvasarudzwa nguva ino
Muparidzi 4: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018