Amosi 2
2
1Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Moabhi vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapisa mapfupa amambo waEdhomu kusvikira aita madota. 2Asi ndichatuma moto kuvaMoabhi, uchapedza dzimba dzoushe dzeKerioti; Moabhi vachafa nebope nokudanidzira uye nokurira kwehwamanda; 3ndichaparadza vatongi pakati pavo; nokuuraya machinda avo ose pamwechete navo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
4Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Judha vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakaramba murayiro waJehovha, vakasachengeta mitemo yake, vakarashiswa nenhema dzavo dzakateverwa namadzibaba avo. 5Asi ndichatuma moto kuna Judha, uchapedza dzimba dzoushe dzeJerusaremu.”
6Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Isiraeri vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakatengesa vakarurama nesirivha, uye anoshaiwa, vachipiwa shangu mbiri; 7ndivo vanoshuva kuona guruva rapasi pamusoro womurombo, vachitsausa nzira yomunhu munyoro; munhu nababa vake vachienda vose kumusikana mumwe, kuti vamhure zita rangu dzvene; 8vanovata pasi pamaaritari ose panguo dzakatorwa dzichiitwa rubatso, vanonwa waini yavakaripiswa, mumba maMwari wavo.
9“Kunyange zvakadaro ndakaparadza vaAmori pamberi pavo, ivo vakanga vakareba semisidhari, vane simba semioki; kunyange zvakadaro ndakaparadza zvibereko zvavo kumusoro nemidzi yavo pasi. 10Ndakakubudisaiwo munyika yeIjipiti, ndikakufambisai murenje makore makumi mana, kuti mundopiwa nyika yavaAmori. 11Ndakamutsawo vaporofita pakati pavanakomana venyu, navaNaziri pakati pavanakomana venyu, navaNaziri pakati pamajaya enyu. Ha ndizvo here, imi vana vaIsiraeri? 12Asi makapa vaNaziri waini vanwe, nokuraira vaporofita, muchiti, ‘Regai kuporofita.’ 13Tarirai, ndichakutsikirirai pasi, sezvinotsikirira ngoro izere nemwanda. 14Anomhanyisa achakoniwa kutiza, anesimba haangasimbisi simba rake, kunyange nemhare haingazvirwiri. 15Kunyange anobata uta haangamiri, anetsoka dzinomhanyisa haangazvirwiri; kunyange akatasva bhiza haangarwiri hupenyu hwake; 16ane mwoyo mukuru pakati pemhare achatiza akashama nezuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvasarudzwa nguva ino
Amosi 2: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002