Amosi 1
1
Kutongwa kwamarudzi naJehovha
1Mashoko aAmosi, waiva mumwe wavafudzi veTekoa, aakaona pamusoro paIsiraeri namazuva aUziya mambo waJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi mambo waIsiraeri, makore maviri achigere okusvika kwokudengenyeka kwenyika.
2Akati, “Jehovha uchaomba ari paZioni, achanzwisa izwi rake ari paJerusaremu; mafuro avafudzi achachema, musoro weKarimeri uchaoma.”
3Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Dhamasiko vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapura Gireadhi nemipuro yamatare. 4Asi ndichatuma moto mumba maHazaeri, uchapedza dzimba dzohushe dzaBhenihadhadhi. 5Ndichavhuna chihuri cheDhamasiko, nokuparadza vagere mumupata weAvheni noakabata tsvimbo youshe paBhetiedheni; vanhu veSiria vachatapirwa Kiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
6Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Gaza vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwazvo; nokuti vakatapa rudzi rwose, kundovaisa kuna Edhomu. 7Asi ndichatuma moto kurusvingo rweGaza, uchapedza dzimba dzaro dzoushe. 8Ndichaparadza vagere Ashidhodhi noakabata tsvimbo youshe paAshikeroni; ndichatambanudzira ruoko rwangu kurwa naEkironi; vakasara vavaFirisitia vachaparadzwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
9Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Tire vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakaisa rudzi rwose kuna Edhomu vakasarangarira sungano yohukama hwavo. 10Asi ndichatuma moto kurusvingo rweTire, uchapedza dzimba dzaro dzoushe.”
11Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Edhomu vakadarika, katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakateverera munun'una wavo nomunondo, vakarasha tsitsi dzose, kutsamwa kwake kukaramba kuchingobvambura, akaramba ane hasha nokusingaperi. 12Asi ndichatuma moto paTemani, uchapedza dzimba dzoushe dzeBhozira.”
13Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti vanhu vaAmoni vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakatumbura vakadzi vakanga vane mimba veGireadhi, kuti vakurise nyika yavo. 14Asi ndichabatidza moto parusvingo rweRabha, uchapedza dzimba dzaro dzoushe, vachidanidzira nezuva rokurwa, nedutu guru remhepo nezuva rechamupupuri; 15mambo wavo achatapwa, iye pamwechete namachinda ake,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvasarudzwa nguva ino
Amosi 1: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002