Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joere 3

3
Vavengi vaJehovha vachatongwa, asi vanhu vake vacharwirwa
1“Nokuti tarirai, namazuva iwayo nenguva iyo, kana ndichidzosa kutapwa kwaJudha neJerusaremu, 2ndichaunganidza marudzi ose avanhu, nokuaburusira kumupata waJehoshafati; ndichavatongapo pamusoro pavanhu vangu napamusoro penhaka yangu Isiraeri, vakaparadzirwa navo pakati pamarudzi avanhu; vakagovana nyika yangu, 3vakakanda mijenya pamusoro pavanhu vangu, vakatenga chifeve nomukomana, vakatengesa musikana vachipiwa waini, kuti vainwe. 4Zvirokwazvo, imi Tire neSidhoni nenyika dzose dzaFirisitia, munoreveiko kwandiri? Munoda kunditsiva here? Kana mukanditsiva, ndichakudzoserai zvamakaita pamisoro yenyu pakarepo nokukasira. 5Zvamakatora sirivha yangu nendarama yangu, mukandoisa mutemberi dzenyu zvinhu zvangu zvakanaka zvinodikanwa, 6mukatengesa vana vaJudha navana veJerusaremu kuvanakomana vavaGiriki, kuti muvabvisire kure nenyika yavo; 7tarirai, ndichavamutsa panzvimbo kwamakandovatengesa, ndidzosere pamisoro yenyu zvamakaita; 8ndichatengesa vanakomana venyu navanasikana venyu mumaoko avana vaJudha, ivo vachandovatengesa kuvanhu veShebha, kurudzi ruri kure, nokuti Jehovha akataura izvozvo.
9“Paridzirai izvozvi pakati pamarudzi; zvigadzirirei kurwa; kurudzirai varume vane simba; varwi vose ngavaswedere, vaende kundorwa. 10Pfurai mapadza enyu ive minondo, namapanga enyu okuchekerera miti ave mapfumo; asine simba ngaati, ‘Ndine simba.’ 11Chimbidzikai, muuye, imi marudzi ose akapoteredza, muungane; imi Jehovha, mhare dzenyu ngadziburukireko. 12Marudzi avanhu ngaamuke, aende kumupata waJehoshafati; nokuti ndipo pandichagara ndichitonga marudzi ose akapoteredza. 13Isai jeko renyu mumunda, nokuti zviyo zvaibva; uyai musvine, nokuti chisviniro chewaini chazara, zvisviniro zvinopapfuma; nokuti kushata kwavo kwakura. 14Vazhinji-zhinji, vazhinji-zhinji varipo mumupata wokutonga! Nokuti zuva raJehovha rava pedyo mumupata wokutonga. 15Zuva nomwedzi zvasviba, nyeredzi dzinobvisa kupenya kwadzo. 16Jehovha achaomba ari paZioni, achanzwisa izwi rake ari paJerusaremu; denga rose nenyika zvichadengenyeka; asi Jehovha uchava utiziro hwavanhu vake, nenhare yavana vaIsiraeri. 17Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, Mwari wenyu, agere paZioni, iro gomo rangu dzvene; ipapo Jerusaremu richava guta dzvene, hakuna vatorwa vanozopfuura napo. 18Zvino nezuva iro makomo achadonha waini inotapira, zvikomo zvichayerera mukaka, uye hova dzose dzaJudha dzichayerera mvura zhinji; mumba maJehovha muchabuda tsime, richadiridza mupata weShitimi. 19Ijipiti richava dongo, uye Edhomu richava renje rakaparadzwa, nemhaka yesimba rakaitirwa vana vaJudha, zvavakateura ropa risina mhosva panyika yavo. 20Asi Judha vachavapo nokusingaperi, uye Jerusaremu kusvikira kumarudzi namarudzi. 21Ndichapembedza ropa ravo randisina kumbopembedza; nokuti Jehovha anogara paZioni.”

Zvasarudzwa nguva ino

Joere 3: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda