Amosi 3
3
Kutongwa kwaIsiraeri
1Inzwai shoko iri rakataurwa naJehovha pamusoro penyu, imi vana vaIsiraeri, pamusoro porudzi rwose rwandakabudisa panyika yeIjipiti, ndichiti, 2“Ndimi moga vandakaziva pakati pamarudzi ose enyika; naizvozvo ndichakurovai pamusoro pezvakaipa zvenyu zvose.”
3Ko vaviri vangafamba pamwechete vasina kumbotenderana here?
4Ko shumba ingaomba mudondo isina chayakuruma here? Ko shumba duku ingarira mubako rayo isina chayakabata here?
5Ko shiri ingawira pasi mumusungo paisina kudzikirwa rugombe here? Ko musungo ungaurukira kumusoro usina chawakabata here?
6Ko hwamanda ingaridzwa muguta, vanhu vakasatya here? Ko guta ringawirwa nezvakaipa, Jehovha asina kuzviita here?
7Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaporofita zvakavanzika zvake.
8Shumba yaomba; ndiani angarega kutya? Ishe Jehovha akataura; ndiani angarega kuporofita?
9Paridzirai mudzimba dzoushe paAshidhodhi, nomudzimba dzoushe munyika yeIjipiti, muti, “Unganai pamakomo eSamaria, muone bope guru riripo, nokumanikidzwa kuri mukati maro. 10Nokuti havazivi kuita zvakarurama ndizvo,” zvinotaura Jehovha ivo vanounganidza kumanikidza nokupamba mudzimba dzavo dzoushe.
11Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “Muvengi aripo, pose-pose panyika; iye achakubvisira simba rako, uye dzimba dzako dzoushe dzichapambwa.”
12Zvanzi naJehovha, “Mufudzi sezvaanobvuta pamuromo weshumba makumbo maviri kana chipande chenzveve, saizvozvo vana vaIsiraeri vachabvutwawo, ivo vagere Samaria pamucheto wouvato, uye pamitsamiro yemicheka yesiriki yomubhedha. 13Inzwa, mupupurire imba yaJakobho,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Mwari wehondo. 14“Nokuti nezuva randicharova Isiraeri pamusoro pokudarika kwavo, ndicharovawo maaritari eBhetieri; nyanga dzearitari dzichagurwa nokuwira pasi. 15Ndichaputsa dzimba dzechando pamwechete nedzimba dzezhizha; dzimba dzenyanga dzenzou dzichaparadzwa, uye dzimba huru dzichapera,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvasarudzwa nguva ino
Amosi 3: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002