Pakarepo akaparidza Jesu mumasinagoge, kuti ndiye Mwanakomana waMwari.
Vose vakazvinzwa vakashamiswa, vakati, “Ko uyu haazi iye aiparadza vaidana zita iri paJerusaremu here, akauira izvozvo pano, kuti aende navo vakasungwa kuvapristi vakuru?”
Asi Sauro akaramba achisimbiswa, akakunda vaJudha vakanga vagere Dhamasiko, achiratidza kuti Jesu ndiye Kristu.
Zvino mazuva mazhinji akati apera, vaJudha vakarangana kuti vamuuraye. Asi kurangana kwavo kwakazikanwa naSauro. Vakarindawo masuo masikati nousiku, kuti vamuuraye.
Zvino vadzidzi vake vakamutora usiku, vakamuburusa naparusvingo, vamuisa mudengu.
Zvino akati asvika Jerusaremu, akaedza kufambidzana navadzidzi; asi ivo vakamutya vose, vasingatendi kuti ava mudzidzi. Zvino Bhanabhasi akamutora, akaenda naye kuvapostori, ndokuvarondedzera kuti akaona Ishe munzira, uye kuti akataura naye, uye kuti akaparidza nezita raJesu paDhamasiko asingatyi. Akagara navo paJerusaremu, achifambidzana navo, akaparidza nezita raIshe asingatyi. Akataura navaJudha vaitaura chiGiriki; asi ivo vakaedza kumuuraya. Zvino hama dzakati dzichizviziva, dzakamuburusira Kesaria, ndokumutumira Taso.
Zvino kereke yakanga ino rugare paJudhea rose, reGariria, neSamaria, ikasimbiswa; ikawedzerwa, ichifamba ichitya Ishe, ichinyaradzwa naMweya Mutsvene.