Mabasa 9:20-31
Mabasa 9:20-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakarepo akatanga kuparidza musinagoge kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari. Vose vakamunzwa vakakatyamara vakati, “Ko, haazi iye here akamutsa bongozozo muJerusarema pakati paavo vanodana kuzita iri? Uye haana kuuya kuno kuzovabata savasungwa kuti avaendese kuvaprista vakuru here?” Asi Sauro akanyanya kuva nesimba akakunda vaJudha vaigara muDhamasiko achivaratidza kuti Jesu ndiye Kristu. Mazuva mazhinji akati apera, vaJudha vakarangana kumuuraya, asi Sauro akanzwa nezverangano yavo. Vakarinda masuo eguta masikati nousiku vachiitira kuti vagomuuraya. Asi vateveri vake vakamutora usiku vakamuburutsa ari mudengu napakanga pakashama murusvingo. Akati asvika kuJerusarema akaedza kuti abatane navadzidzi, asi vose vakanga vachimutya, vasingatendi kuti akanga ava mudzidzi wechokwadi. Asi Bhanabhasi akamutora akamuuyisa kuvapostori. Akavaudza kuti Sauro akanga aona Ishe sei ari parwendo rwake uye kuti muDhamasiko Ishe akanga ataura kwaari, uyewo kuti akaparidza sei muzita raJesu asingatyi. Saka Sauro akagara navo muJerusarema akasununguka, achitaura muzita raIshe uye akafamba asingatyi. Akataura uye akapikisana navaJudha vaitaura chiGiriki, asi vakaedza kumuuraya. Zvino hama dzakati dzazvinzwa izvi, dzakamutora dzikaburuka naye kuKesaria ndokumuendesa kuTasasi. Ipapo kereke yakava norugare muJudhea mose, nomuGarirea neSamaria. Kereke yakasimbiswa; uye yakakurudzirwa naMweya Mutsvene, ikakura pauwandu, ichirarama mukutya Ishe.
Mabasa 9:20-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakarepo akaparidza Jesu mumasinagoge, kuti ndiye Mwanakomana waMwari. Vose vakazvinzwa vakashamiswa, vakati, “Ko uyu haazi iye aiparadza vaidana zita iri paJerusaremu here, akauira izvozvo pano, kuti aende navo vakasungwa kuvapristi vakuru?” Asi Sauro akaramba achisimbiswa, akakunda vaJudha vakanga vagere Dhamasiko, achiratidza kuti Jesu ndiye Kristu. Zvino mazuva mazhinji akati apera, vaJudha vakarangana kuti vamuuraye. Asi kurangana kwavo kwakazikanwa naSauro. Vakarindawo masuo masikati nousiku, kuti vamuuraye. Zvino vadzidzi vake vakamutora usiku, vakamuburusa naparusvingo, vamuisa mudengu. Zvino akati asvika Jerusaremu, akaedza kufambidzana navadzidzi; asi ivo vakamutya vose, vasingatendi kuti ava mudzidzi. Zvino Bhanabhasi akamutora, akaenda naye kuvapostori, ndokuvarondedzera kuti akaona Ishe munzira, uye kuti akataura naye, uye kuti akaparidza nezita raJesu paDhamasiko asingatyi. Akagara navo paJerusaremu, achifambidzana navo, akaparidza nezita raIshe asingatyi. Akataura navaJudha vaitaura chiGiriki; asi ivo vakaedza kumuuraya. Zvino hama dzakati dzichizviziva, dzakamuburusira Kesaria, ndokumutumira Taso. Zvino kereke yakanga ino rugare paJudhea rose, reGariria, neSamaria, ikasimbiswa; ikawedzerwa, ichifamba ichitya Ishe, ichinyaradzwa naMweya Mutsvene.
Mabasa 9:20-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakarepo aiparidza mumasinagogu achiti Jesu Mwanakomana waMwari. Vose vakamunzwa vakakatyamadzwa vachiti, “Ko uyu haasiriye here murume uya akamutsa muchokoto muJerusaremu kuna vavo vanodaidza zita iri uye ndozvaavinga kuno kuti aende navo vakasungwa kuvaPristi vakuru?” Simba raPauro rakaramba richingowedzera, vaJudha vaigara muDhamasikusi vakazvishaira pazvo avakuratidza pachena kuti Jesu ndiye Mesia. Mushure memazuva mazhinji vaJudha vakapangana kumuuraya. Bangano ravo rakazivikanwa naSauro. Vaigaririra pamisuo mikuru siku nesikati kuti vamuuraye. Asi vadzidzi vake vakamutora nousiku vakamudzikisa ari mutswanda napamusoro porusvingo. Paakasvika kuJerusaremu akaedza kubatana navadzidzi asi vose vaimutya nokuti havana kutenda kuti akanga ava mudzidzi. Asi Bhanabhasi akamutora akaenda naye kuvapositori akavatsanangurira kuti akaona sei panzira, Tenzi akataura naye uye kuti akaparidza muDhamasikusi nechivindi chakadii muzita raJesu. Akagara navo akasununguka muJerusaremu achiparidza akashinga muzita raTenzi. Akataura achipikisana nevechiGiriki asi ivo vaitotsvaka zvokumuuraya. Vehama pavakazviziva vakadzika naye kuSezaria vakamuendesa kuTaso. Nezvo sangano rakava norunyararo muJudhea yose nomuGarirea nomuSamaria. Sangano rakasimbiswa richibatsirwa naMweya Mutsvene, rikakura richigara mukutya Tenzi.
Mabasa 9:20-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakarepo akaparidza Jesu mumasinagoge, kuti ndiye Mŋanakomana waMŋari. Ʋose ʋakaɀinzwa ʋakashamiswa, ʋakati: Ko uyu haazi iye waiparadza ʋaiɗana kuzita iri paJerusarema here, akaʋuyira iɀoɀo pano, kuti aende naʋo ʋakasuŋgwa kuʋaprista ʋakuru? Asi Sauro wakaramba acisimbiswa, akakunda ʋaJuda ʋakaŋga ʋagere Damasko, aciratidza kuti Jesu ndiye Kristu. Ɀino mazuʋa mazhinji akati apera, ʋaJuda ʋakaraŋgana kuti ʋamuʋuraye. Asi kuraŋgana kwaʋo kwakazikanwa naSauro. Ʋakarinda ʋo masuʋo masikati noʋusiku, kuti ʋamuʋuraye. Ɀino ʋadzidzi ʋake ʋakamutora ʋusiku, ʋakamuɓurasa naparuȿiŋgo, ʋamuisa mudeŋgu. Ɀino wakati aȿika Jerusarema, akaidza kufambidzana naʋadzidzi; asi iʋo ʋakamutya ʋose, ʋasiŋgatendi kuti waʋa mudzidzi. Ɀino Barnabasi akamutora, akaenda naye kuʋaapostora, ndokuʋarondedzera kuti wakaʋona Ishe munzira, ʋuye kuti wakataura naye, ʋuye kuti wakaparidza nezita raJesu paDamasko asiŋgatyi. Akagara naʋo paJerusarema, acifambidzana naʋo, akaparidza nezita raShe asiŋgatyi. Akataura nokuita nharo naʋaJuda ʋaitaura ciGiriki; asi iʋo ʋakaidza kumuʋuraya. Ɀino hama dzakati dziciɀiziʋa, dzikamuɓurusira Kesaria, ndokumutumira Tarso. Ɀino kereke yakaŋga inorugare paJudea rose, neGarirea, neSamaria, ikasimbiswa; ikawedzerwa, icifamba icitya Ishe, icinyaradzwa noMŋeya Mutȿene.
Mabasa 9:20-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)