Maɓasa Aʋaapostora 9
9
Kutendeʋuka kwaSauro.
(Maɓasa 22:1–16; 26:9–18)
1Asi Sauro aciŋgoraŋgarira kutyisa nokuʋuraya ʋadzidzi ʋaShe, wakaenda kumuprista mukuru, 2akakumbira kwaari magwaro okuenda nawo Damasko kumasinagoge, kuti kana awana ʋamŋe ʋaiʋa ʋeNzira iyo, ʋarume kana ʋakadzi, aʋuye naʋo Jerusarema ʋakasuŋgwa. 3Ɀino wakati ari parwendo, osweɗera pedyo neDamasko, kamŋe‐kamŋe ciedza cakabva kuɗeŋga cikamupenyera pamatiʋi ose, 4akawira pasi, akanzwa inzwi riciti kwaari: Sauro, Sauro, unonditambudzireiko? 5Iye akati: Ndimi aniko, Ishe? Akati: Ndini Jesu waunotambudza; [ɀinokuremera kupfura ɀiɓayiso. 6Iye aciɗeɗera nokutya, akati: Ishe, munoɗa kuti ndiiteiko? Ishe akati kwaari:] Simuka, uende muguta, ucandoʋudzwa ɀaunofanira kuita. 7Ʋarume ʋaiʋa parwendo naye, ʋakamira ʋanyerere, ʋacinzwa inzwi, asi ʋasiŋgaʋoni munhu. 8Ɀino Sauro akasimuka pasi; asi aciȿinudza meso ake, haana‐kuʋona cinhu; ʋakamuɓata ruʋoko, ʋakaenda naye Damasko. 9Akaita mazuʋa matatu, asiŋgaʋoni, asiŋgadyi, asiŋganwi cinhu.
10Ɀino paDamasko pakaŋga panomumŋe mudzidzi, wainzi Ananiasi; Ishe akati kwaari neɀaakaratidzwa: Ananiasi! Iye akati: Ndiri pano Ishe! 11Ishe akati kwaari: Simuka, uende munzira yomuguta inonzi Yakarurama, ubvunze mumba maJudasi, munhu unonzi Sauro weTarso; nokuti tarira, unonyeŋgetera; 12naiye wakaʋona murume, unonzi Ananiasi acipinda, aciisa maʋoko ake pamsoro pake, kuti aʋone ɀe. 13Ɀino Ananiasi akapindura, akati: Ishe, ndakanzwa naʋanhu ʋazhinji ɀomunhu uyu, kuti wakaitira ʋatȿene ʋenyu paJerusarema ɀakaipa ɀizhinji; 14napano unesimba raakapiwa naʋaprista ʋakuru, kuti asuŋge ʋose ʋanonamata nezita renyu. 15Asi Ishe akati kwaari: Enda, nokuti iye mudziyo wakasanaŋgurwa neni, kuti aende nezita raŋgu kuʋahedeni, namadzimambo, nokuʋana ʋaIsraeri; 16nokuti ndicamuratidza ɀose, ɀaacafanira kutamburira nokuɗa kwezita raŋgu. 17Ipapo Ananiasi akaenda akapinda mumba, akaisa maʋoko ake pamsoro pake, akati: Sauro, hama, Ishe Jesu, wakaɀiratidza kwauri munzira yawakaʋuya nayo, wakandituma, kuti uʋone ɀe, uzadzwe noMŋeya Mutȿene. 18Pakarepo pameso ake pakabva ɀinhu ɀineŋge mafunhurwa, akaʋona ɀe; akasimuka, ndokubapatidzwa; 19akadya ɀokudya, ndokusimbiswa.
Akagara naʋadzidzi paDamasko mamŋe mazuʋa. 20Pakarepo akaparidza Jesu mumasinagoge, kuti ndiye Mŋanakomana waMŋari. 21Ʋose ʋakaɀinzwa ʋakashamiswa, ʋakati: Ko uyu haazi iye waiparadza ʋaiɗana kuzita iri paJerusarema here, akaʋuyira iɀoɀo pano, kuti aende naʋo ʋakasuŋgwa kuʋaprista ʋakuru? 22Asi Sauro wakaramba acisimbiswa, akakunda ʋaJuda ʋakaŋga ʋagere Damasko, aciratidza kuti Jesu ndiye Kristu.
Sauro unodziŋgwa paDamasko neJerusarema.
23Ɀino mazuʋa mazhinji akati apera, ʋaJuda ʋakaraŋgana kuti ʋamuʋuraye. 24Asi kuraŋgana kwaʋo kwakazikanwa naSauro. Ʋakarinda ʋo masuʋo masikati noʋusiku, kuti ʋamuʋuraye. 25Ɀino ʋadzidzi ʋake ʋakamutora ʋusiku, ʋakamuɓurasa naparuȿiŋgo, ʋamuisa mudeŋgu.
26Ɀino wakati aȿika Jerusarema, akaidza kufambidzana naʋadzidzi; asi iʋo ʋakamutya ʋose, ʋasiŋgatendi kuti waʋa mudzidzi. 27Ɀino Barnabasi akamutora, akaenda naye kuʋaapostora, ndokuʋarondedzera kuti wakaʋona Ishe munzira, ʋuye kuti wakataura naye, ʋuye kuti wakaparidza nezita raJesu paDamasko asiŋgatyi. 28Akagara naʋo paJerusarema, acifambidzana naʋo, 29akaparidza nezita raShe asiŋgatyi. Akataura nokuita nharo naʋaJuda ʋaitaura ciGiriki; asi iʋo ʋakaidza kumuʋuraya. 30Ɀino hama dzakati dziciɀiziʋa, dzikamuɓurusira Kesaria, ndokumutumira Tarso.
31Ɀino kereke yakaŋga inorugare paJudea rose, neGarirea, neSamaria, ikasimbiswa; ikawedzerwa, icifamba icitya Ishe, icinyaradzwa noMŋeya Mutȿene.
Kuporeswa kwaEneasi.
32Ɀino Petro wakati acipote‐nyika kwose, akaɓurukira ʋo kuʋatȿene ʋakaŋga ʋagere Rida. 33Akawana’po mumŋe munhu, wainzi Eneasi, wakaŋga aʋete panhoʋo makore masere, mitezo yake yakafa. 34Petro akati kwaari: Eneasi, Jesu Kristu unokuporesa; simuka, uɀiwarire nhoʋo dzako! Akasimuka pakarepo. 35Ɀino ʋose ʋakaŋga ʋagere Rida neSaroni ʋakamuʋona, ʋakatendeʋukira kunaShe.
Kumutswa kwaTabita parufu.
36Ɀino paJopa pakaŋga panomukadzi waiʋa mudzidzi, wainzi Tabita, ndokuti Dorkasi, kana ɀicishandurwa. Iye waishiŋgaira ɀikuru pamaɓasa akanaka neɀipo. 37Ɀino namazuʋa iwayo iye akarwara, ndokufa. Ʋakati ʋamushambidza, ʋakamuisa muimba yokumsoro. 38Ɀino Rida ɀawakaŋga uri pedyo neJopa, ʋadzidzi ʋakati ʋanzwa kuti Petro uri’po, ʋakatumira kwaari ʋanhu ʋaʋiri, kuti ʋandokumbira ɀikuru kwaari, ʋaciti: Usanonoka hako kuʋuya kwatiri. 39Ipapo Petro akasimuka, akaenda naʋo. Wakati aȿika, ʋakamuisa kuimba yokumsoro; cirikadzi dzose dzikamira naye dzicicema, ʋakamuratidza ɀokufuka neŋguʋo, dzaʋakaŋga ʋaitirwa naDorkasi, aciri naʋo. 40Ɀino Petro akaʋaɓuɗisira panze ʋose, akafugama, akanyeŋgetera, ndokutendeʋukira kumutumbu, akati: Tabita, muka! Akaȿinura meso ake; ɀino wakati aciʋona Petro, akagara. 41Akamuɓata noruʋoko rwake, akamusimudza; akaɗana ʋatȿene necirikadzi, akamuisa pamberi paʋo ari mupenyu. 42Ɀikazikanwa naʋose paJopa; ʋazhinji ʋakatenda kunaShe. 43Ipapo akagara mazuʋa mazhinji paJopa, kunomumŋe Simoni, musuki wamatebge.
Zvasarudzwa nguva ino
Maɓasa Aʋaapostora 9: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018