Mazuva iwayo akati apera, tikarongedza, tikakwira Jerusaremu. Navamwe vadzidzi veKesaria vakaenda nesu, vakauyawo nomumwe, ainzi Minasoni, mudzidzi wakare, weSaipurasi, wataindogara naye.
Zvino takati tichisvika Jerusaremu, hama dzikatigamuchira nomufaro. Fume mangwana Pauro akapinda nesu kuna Jakobho; navakuru vakanga varipo vose. Akavakwazisa, ndokuvarondedzera, chimwe nechimwe, zvakaitwa naMwari pakati pavahedheni nebasa rake. Ivo vakati vazvinzwa, vakakudza Mwari, vakati kwaari, “Hama, unoona kuti varipo vane zviuru zvamazana zvizhinji zvavaJudha vakatenda; vose vanoshingairira murayiro; zvino vakaudzwa kuti iwe unodzidzisa vaJudha vose, vari pakati pavahedheni, kuti varambe Mosesi, uchiti, varege kudzingisa vana vavo, kana kufamba netsika dzomurayiro. Zvino todiniko? Vachanzwa havo kuti wasvika. Naizvozvo ita izvi zvatinotaura kwauri, tina varume vana vakazvisunga nokupika; uvatore, uzvinatse pamwechete navo, uvaripire, vagoveura misoro yavo; ipapo vose vachaziva, kuti haazi mashoko ezvokwadi, avakaudzwa pamusoro pako; asi kuti iwewo unofamba zvakanaka, uchichengeta murayiro umene. Asi kana vari vahedheni vakatenda, takavanyorera, tichiti vazvidzore pane zvakabayirwa zvifananidzo, neropa, nezvakadzipwa, noupombwe.”
Ipapo Pauro akatora varume avo, akazvinatsa pamwechete navo nezuva rakatevera, akapinda mutemberi, kuti azivise kupera kwamazuva okunatsa, kusvikira mumwe nomumwe abayirwa chibayiro.