Mabasa 21:15-26
Mabasa 21:15-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwaizvozvo takagadzirira tikakwidza kuJerusarema. Vamwe vadzidzi vokuKesaria vakatiperekedza vakatisvitsa kuimba yaMunasoni, uko kwataifanira kundogara. Akanga ari murume aibva kuSaipurasi uye ari mumwe wavadzidzi vokutanga. Takati tasvika paJerusarema, hama dzakatigamuchira nomufaro. Zuva rakatevera Pauro nesu tose takaenda kundoona Jakobho, uye vakuru vose vaivapo. Pauro akavakwazisa uye akanyatsovarondedzera zvakanga zvaitwa naMwari pakati pavaHedheni kubudikidza noushumiri hwake. Vakati vanzwa izvi, vakarumbidza Mwari. Ipapo vakati kuna Pauro, “Unoona, hama, kune zviuru nezviuru zvavaJudha vakatenda, uye vose zvavo vanoshingairira murayiro. Vakaudzwa kuti iwe unodzidzisa vaJudha vose vagere pakati peveDzimwe Ndudzi kuti vatsauke kubva kuna Mozisi, uchivaudza kuti varege kudzingisa vana vavo kana kuchengeta tsika dzedu. Zvino toita seiko? Vachanzwa zvirokwazvo kuti wauya, saka iwe chiita zvatinokuudza zvino. Tina varume vana pano vakaita mhiko. Tora varume ava, ubatane navo pakuzvinatsa kwavo, uye iwe ugovaripira kuti vaveurwe misoro yavo. Ipapo munhu wose achaziva kuti hapana chokwadi pane zviri kurehwa pamusoro pako, asi kuti iwe pachako unoteerera murayiro. Kana vari vatendi vokune veDzimwe Ndudzi, takavanyorera pane zvatakatema kuti varege kudya zvakabayirwa kuzvifananidzo, uye ropa, nenyama yemhuka dzakadzipwa uye varege upombwe.” Zuva rakatevera Pauro akatora varume vaya uye akazvinatsa pamwe chete navo. Ipapo akaenda kutemberi kundozivisa kupera kwamazuva okuzvinatsa uye kuti chipiriso chaizoitirwa mumwe nomumwe wavo rinhi.
Mabasa 21:15-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mazuva iwayo akati apera, tikarongedza, tikakwira Jerusaremu. Navamwe vadzidzi veKesaria vakaenda nesu, vakauyawo nomumwe, ainzi Minasoni, mudzidzi wakare, weSaipurasi, wataindogara naye. Zvino takati tichisvika Jerusaremu, hama dzikatigamuchira nomufaro. Fume mangwana Pauro akapinda nesu kuna Jakobho; navakuru vakanga varipo vose. Akavakwazisa, ndokuvarondedzera, chimwe nechimwe, zvakaitwa naMwari pakati pavahedheni nebasa rake. Ivo vakati vazvinzwa, vakakudza Mwari, vakati kwaari, “Hama, unoona kuti varipo vane zviuru zvamazana zvizhinji zvavaJudha vakatenda; vose vanoshingairira murayiro; zvino vakaudzwa kuti iwe unodzidzisa vaJudha vose, vari pakati pavahedheni, kuti varambe Mosesi, uchiti, varege kudzingisa vana vavo, kana kufamba netsika dzomurayiro. Zvino todiniko? Vachanzwa havo kuti wasvika. Naizvozvo ita izvi zvatinotaura kwauri, tina varume vana vakazvisunga nokupika; uvatore, uzvinatse pamwechete navo, uvaripire, vagoveura misoro yavo; ipapo vose vachaziva, kuti haazi mashoko ezvokwadi, avakaudzwa pamusoro pako; asi kuti iwewo unofamba zvakanaka, uchichengeta murayiro umene. Asi kana vari vahedheni vakatenda, takavanyorera, tichiti vazvidzore pane zvakabayirwa zvifananidzo, neropa, nezvakadzipwa, noupombwe.” Ipapo Pauro akatora varume avo, akazvinatsa pamwechete navo nezuva rakatevera, akapinda mutemberi, kuti azivise kupera kwamazuva okunatsa, kusvikira mumwe nomumwe abayirwa chibayiro.
Mabasa 21:15-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure memazuva iwaya takagadzirira tikakwira kuJerusaremu. Vamwe vadzidzi vokuSezaria vakaenda nesu. Vakatisvitsa kumba kwaMunasoni wekuSaipurasi mudzidzi wapakutanga chaipo ane kumba kwataifanira kundogara. Patakasvika kuJerusaremu vehama vakatigamuchira nomufaro. Pazuva rakatevera Pauro akaenda nesu kuna Jemusi uye vakuru vakuru vose vakanga varipo. Pashure pokuvakwazisa akavarondedzera chimwe nechimwe chezvinhu zvakaitwa naMwari pakati pevechirudzi nomubasa rake iye Pauro. Pavakazvinzwa vakarumbidza Mwari. Vakamuti, “Unoona here nhai hama, kuti zviuru zvingani pakati pavaJudha vakatenda, vane shungu noMutemo. Vakataurirwa nezvako zvokuti uri kudzidzisa vaJudha vose vari pakati pevechirudzi kuti vafuratire Mosesi, uchivaudza kuti vasadzingise vana vavo kana kuchengeta tsika dzedu. Zvino zvoitwa sei? Vachazvinzwa kuti wakauya. Iwe chiita zvatinokuudza. Tine varume vana vakaita mhiko! Tora varume ivavo uzvichenure pamwechete navo uvabhadharire kuti vaveure musoro vose. Vanobva vaziva kuti zvavanga vachitaurirwa nezvako hapana zviripo asi kuti iwe pachako muupenyu hwako unochengeta mutemo. Asi kune vechirudzi, vakadavira, takavatumira tsamba ine zvatakatema zvokuti vasiyane nezvinhu zvakabairwa zvifananidzo zvokunamata, varege musiya nenyama isina kusinzwa noupombwe.” Pauro akatora varume vaya. Zuva rakatevera akazvichenura pamwechete navarume vaya akapinda muTemberi kundotaura kuti mazuva okuzvichenura kwavo anopera rini nechibayiro chinopirirwa mumwe nomumwe wavo.
Mabasa 21:15-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mazuʋa iwayo akati apera, tikaroŋgedza, tikakwira Jerusarema. Naʋamŋe ʋadzidzi ʋeKesaria ʋakaenda nesu, ʋakaʋuya ʋo nomumŋe, wainzi Mnasoni, mudzidzi wakare, weKupro, wataindogara naye. Ɀino takati ticiȿika Jerusare ma, hama dzikatigamucira nomufaro. Fume maŋgwana Pauro akapinda nesu kunaJakobo; naʋakuru ʋakaŋga ʋari’po ʋose. Akaʋakwazisa, ndokuʋarondedzera, cimŋe necimŋe, ɀakaitwa naMŋari pakati paʋahedeni neɓasa rake. Iʋo ʋakati ʋaɀinzwa, ʋakakudza Mŋari, ʋakati kwaari: Hama, unoʋona kuti ʋari’po ʋaneɀuru ɀamazana ɀizhinji ɀaʋaJuda ʋakatenda; ʋose ʋanoshiŋgairira murairo; ɀino ʋakaʋudzwa kuti iwe unodzidzisa ʋaJuda ʋose, ʋari pakati paʋahedeni, kuti ʋarambe Mosesi, uciti, ʋarege kudziŋgisa ʋana ʋaʋo, kana kufamba netsika dzomurairo. Ɀino toɗiniko? Ʋacanzwa haʋo kuti waȿika. Naiɀoɀo ita iɀi ɀatinotaura kwauri: Tinaʋarume ʋanna ʋakaɀisuŋga nokupika; uʋatore, uɀinatse pamŋe cete naʋo, uʋaripire, ʋagoʋeʋura misoro yaʋo; ipapo ʋose ʋacaziʋa, kuti haazi mashoko eɀokwaɗi, aʋakaʋudzwa pamsoro pako; asi kuti iwe ʋo unofamba ɀakanaka, uciceŋgeta murairo umene. Asi kana ʋari ʋahedeni ʋakatenda, takaʋanyorera, ticiti ʋaɀidzore paneɀakaɓayirwa ɀifananidzo, neropa, neɀakadzipxa, noʋupombge. Ipapo Pauro akatora ʋarume aʋo, akaɀinatsa pamŋe cete naʋo nezuʋa rakateʋera, akapinda mutembere, kuti aziʋise kupera kwamazuʋa okunatsa, kuȿikira mumŋe nomumŋe aɓayirwa ciɓayiro.
Mabasa 21:15-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)