zvikuru ivo vanofamba nomutoo wenyama pakuchiva kunosvibisa nokuzvidza ukuru; vanotsunga, vachiita nokuda kwavo, vasingatyi kutuka avo vane kubwinya. Vatumwa, kunyange vanovapfuura nesimba noukuru, havauyi pamberi paIshe nemhosva yokuvapomera nayo.
Asi ava zvavanotuka zvavasingazivi, vakaita semhuka dzisina murangariro, dzakaberekwa kuti dzibatwe, dziparadzwe, naivo vachaparadzwa pakuora kwavo, vachiitirwa zvisakarurama, uri mubayiro wokusarurama kwavo; vanhu vanoti, kutamba masikati ndizvo zvinofadza, ivo makwapa namavara, vanofara nokunyengera kwavo kana vachidya nemi; vana meso azere noupombwe, asingaregi kutadza; vanonyengera vanhu vasina simba; vano mwoyo wakadzidziswa kuchiva; ivo vana vokutukwa; vakasiya nzira yakarurama, vakatsauka, vakatevera nzira yaBharami, mwanakomana waBheori, akada mubayiro wokusarurama; asi akarairwa pamusoro pokudarika kwake, nokuti mbongoro, isingagoni kutaura, yakataura nezwi romunhu, ikadzivisa kupenga kwomuporofita.
Ivava matsime asina mvura, mhute rinodzingwa nemhepo; ivo vakachengeterwa kusviba kwerima. Nokuti nokutaura kwavo mashoko mazhinji okuzvikudza asina maturo, vanonyengera pakuchiva kwenyama noutere, avo vachangotiza vachibva kuna vanogara pakutsauka; vachivapikira kusunungurwa, nyamba ivo vamene vari varanda vakuora; nokuti waakundwa naye, munhu anoitwa muranda wake. Nokuti ivo, kana nenzira yokuziva Ishe, Muponesi Jesu Kristu, vambotiza havo zvinosvibisa zvenyika, kana vakabatwa nokukundwazve nazvo, kuguma kwavo kwaipa kupfuura kutanga kwavo.
Nokuti zvaiva nani kwavari kana vasaiziva nzira yokururama, pakuti vadzoke pamurayiro mutsvene wavakapiwa, wavakanga vambouziva havo.
Zvinorehwa neshumo yechokwadi ndizvo zvakaitwa kwavari, zvinoti, “Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo,” “Nenguruve yakanga yashambidzwa, kuumburuka mumatope.”