Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Petirosi 2

2
Vadzidzisi venhema
1Asi kwakanga kuna vaporofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapo pakati penyuwo vadzidzisi venhema, vachapinza pakavanda dzidziso dzakatsauka dzinoparadza, vachiramba naiye Tenzi akavatenga, vachizviwisira kuparadzwa kunokurumidza. 2Vazhinji vachatevera utere hwavo; nokuda kwavo nzira yezvokwadi ichazvidzwa. 3Pakukarira kwavo mari vachakunyengerai namashoko amano-mano; kutongwa kwavo, kwakatarwa kare, hakunonoki, nokuparadzwa kwavo hakukotsiri.
4Nokuti kana Mwari asina kurega vatumwa vakatadza, asi wakavakandira muTaritaro nokuvaisa kumakomba erima, kuti vachengeterwe kutongwa; 5akasaregawo nyika yekare asi akaponesa Noa muparidzi wokururama pamwechete navamwe vanomwe, nguva yaakauyisa mvura zhinji panyika yavanhu vakanga vasingadi Mwari; 6akashandura maguta eSodhoma neGomora akaaita madota, akaatongera kuti aparadzwe, akaaita chive chiratidzo kuna ivo vachagara vasingadi Mwari; 7akasunungura Roti, akanga akarurama, akanga afa neshungu nokuda kwomufambiro woutere wavakashata, 8(nokuti munhu uyu akarurama, agere pakati pavo achiona nokunzwa, wakarwadzisa mweya wake wakarurama zuva rimwe nerimwe namabasa avo akanga asina kururama).
9Ishe anoziva kusunungura pamiedzo vanonamata Mwari, nokuchengeta vasakarurama vave mukurohwa kusvikira pazuva rokutongwa; 10zvikuru ivo vanofamba nomutoo wenyama pakuchiva kunosvibisa nokuzvidza ukuru; vanotsunga, vachiita nokuda kwavo, vasingatyi kutuka avo vane kubwinya. 11Vatumwa, kunyange vanovapfuura nesimba noukuru, havauyi pamberi paIshe nemhosva yokuvapomera nayo.
12Asi ava zvavanotuka zvavasingazivi, vakaita semhuka dzisina murangariro, dzakaberekwa kuti dzibatwe, dziparadzwe, naivo vachaparadzwa pakuora kwavo, 13vachiitirwa zvisakarurama, uri mubayiro wokusarurama kwavo; vanhu vanoti, kutamba masikati ndizvo zvinofadza, ivo makwapa namavara, vanofara nokunyengera kwavo kana vachidya nemi; 14vana meso azere noupombwe, asingaregi kutadza; vanonyengera vanhu vasina simba; vano mwoyo wakadzidziswa kuchiva; ivo vana vokutukwa; 15vakasiya nzira yakarurama, vakatsauka, vakatevera nzira yaBharami, mwanakomana waBheori, akada mubayiro wokusarurama; 16asi akarairwa pamusoro pokudarika kwake, nokuti mbongoro, isingagoni kutaura, yakataura nezwi romunhu, ikadzivisa kupenga kwomuporofita.
17Ivava matsime asina mvura, mhute rinodzingwa nemhepo; ivo vakachengeterwa kusviba kwerima. 18Nokuti nokutaura kwavo mashoko mazhinji okuzvikudza asina maturo, vanonyengera pakuchiva kwenyama noutere, avo vachangotiza vachibva kuna vanogara pakutsauka; 19vachivapikira kusunungurwa, nyamba ivo vamene vari varanda vakuora; nokuti waakundwa naye, munhu anoitwa muranda wake. 20Nokuti ivo, kana nenzira yokuziva Ishe, Muponesi Jesu Kristu, vambotiza havo zvinosvibisa zvenyika, kana vakabatwa nokukundwazve nazvo, kuguma kwavo kwaipa kupfuura kutanga kwavo.
21Nokuti zvaiva nani kwavari kana vasaiziva nzira yokururama, pakuti vadzoke pamurayiro mutsvene wavakapiwa, wavakanga vambouziva havo.
22Zvinorehwa neshumo yechokwadi ndizvo zvakaitwa kwavari, zvinoti, “Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo,” “Nenguruve yakanga yashambidzwa, kuumburuka mumatope.”

Zvasarudzwa nguva ino

2 Petirosi 2: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda