Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Petro 2:10-22

2 Petro 2:10-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Izvozvo zvinoitwa navaya vanotevera kuchiva kwakaora kwomunhu wenyama uye vachizvidza vakuru. Vanhu ava havatyi kutuka zvisikwa zvokudenga, vakashinga uye vanozvikudza; asi kunyange vatumwa, kunyange zvazvo vakasimba kwazvo uye vane simba guru, havauyi pamberi paIshe vachituka nokupomera mhosva zvakadai kuzvisikwa izvi. Asi vanhu ava vanongomhura panyaya dzavasinganzwisisi. Vakaita semhuka dzisina murangariro, zvisikwa zvisingashanduki papfungwa, zvakangoberekerwa kubatwa nokuparadzwa, uye semhuka idzodzo naivowo vachaparara. Vacharipirwa nokurwadziswa nokuda kwezvakaipa zvavakaita. Mukufunga kwavo vanoti kutamba masikati ndizvo zvinofadza. Ivo ndivo makwapa namavara, vanofara mune zvinovagutsa pavanenge vachidya nemi. Vane meso azere upombwe, havatongoregi kutadza; vanonyengera vasina mano; uye inyanzvi pakukara, rudzi rwakatukwa! Vakasiya nzira yakarurama vakatsauka kuti vatevere nzira yaBharamu mwanakomana waBheori, akada mubayiro wokusarurama. Asi akatsiurwa nembongoro nokuda kwokuita kwake zvakaipa, mhuka isina mutauro yakataura nenzwi romunhu uye ikadzivisa kupenga kwomuprofita. Ava vanhu matsime asina mvura uye imhute inosundwa nemhepo. Vakachengeterwa rima guru. Nokuti vanotaura zvisina maturo, mashoko okuzvikudza, uye nokuchiva kwenyama yavo, vanobata kumeso vanhu vaya vari kutiza kubva kuna vanogara mukutsauka. Vanovavimbisa kusununguka, asi ivo pachavo vari varanda vokuora, nokuti munhu anoitwa muranda nechinhu chipi zvacho chinenge chamukunda. Kana vakatiza kuora kwenyika ino nokuda kwokuziva Ishe wedu noMuponesi Jesu Kristu uye vakasungwazve mazviri uye vakundwa nazvo, vaipa pakupedzisira kupfuura zvavakanga vari pakutanga. Zvaiva nani kwavari kuti dai vasina kumboziva havo nzira yokururama, pano kuti vaizive, ipapo vagozofuratira murayiro mutsvene wakanga wapiwa kwavari. Tsumo iyi ndeyechokwadi kwavari inoti, “Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo,” uye “Nguruve yakanga yashambidzwa yadzokerazve kunoumburuka mumatope.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 2 Petro 2

2 Petro 2:10-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

zvikuru ivo vanofamba nomutoo wenyama pakuchiva kunosvibisa nokuzvidza ukuru; vanotsunga, vachiita nokuda kwavo, vasingatyi kutuka avo vane kubwinya. Vatumwa, kunyange vanovapfuura nesimba noukuru, havauyi pamberi paIshe nemhosva yokuvapomera nayo. Asi ava zvavanotuka zvavasingazivi, vakaita semhuka dzisina murangariro, dzakaberekwa kuti dzibatwe, dziparadzwe, naivo vachaparadzwa pakuora kwavo, vachiitirwa zvisakarurama, uri mubayiro wokusarurama kwavo; vanhu vanoti, kutamba masikati ndizvo zvinofadza, ivo makwapa namavara, vanofara nokunyengera kwavo kana vachidya nemi; vana meso azere noupombwe, asingaregi kutadza; vanonyengera vanhu vasina simba; vano mwoyo wakadzidziswa kuchiva; ivo vana vokutukwa; vakasiya nzira yakarurama, vakatsauka, vakatevera nzira yaBharami, mwanakomana waBheori, akada mubayiro wokusarurama; asi akarairwa pamusoro pokudarika kwake, nokuti mbongoro, isingagoni kutaura, yakataura nezwi romunhu, ikadzivisa kupenga kwomuporofita. Ivava matsime asina mvura, mhute rinodzingwa nemhepo; ivo vakachengeterwa kusviba kwerima. Nokuti nokutaura kwavo mashoko mazhinji okuzvikudza asina maturo, vanonyengera pakuchiva kwenyama noutere, avo vachangotiza vachibva kuna vanogara pakutsauka; vachivapikira kusunungurwa, nyamba ivo vamene vari varanda vakuora; nokuti waakundwa naye, munhu anoitwa muranda wake. Nokuti ivo, kana nenzira yokuziva Ishe, Muponesi Jesu Kristu, vambotiza havo zvinosvibisa zvenyika, kana vakabatwa nokukundwazve nazvo, kuguma kwavo kwaipa kupfuura kutanga kwavo. Nokuti zvaiva nani kwavari kana vasaiziva nzira yokururama, pakuti vadzoke pamurayiro mutsvene wavakapiwa, wavakanga vambouziva havo. Zvinorehwa neshumo yechokwadi ndizvo zvakaitwa kwavari, zvinoti, “Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo,” “Nenguruve yakanga yashambidzwa, kuumburuka mumatope.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 2 Petro 2

2 Petro 2:10-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

zvikuru avo vanofarira havi dzinosvibisa uye vanoshora ukuru hwaMwari. Vanoshora nechivindi vembiri vaya vachida vachiziva uye vasingatyi, asi vatumwa kunyange vaiva nesimba noukuru kupinda ivo havana kuvapa mhosva vachivashora pamberi paTenzi asi ivo, vachaparadzwa zvimwechetezvo navo sokunge mhuka dzisingafungi uye sezvisikwa zvisina pfungwa zvakazvarirwa kubatwa zvichiuraiwa. Vanoshora mune zvavasingazivi. Vachatambudzika nokuda kwezviito zvavo zvakaipa. Vanoona zvichivafadza kuita zvamafaro masikati machena. Ivo mavara etsvina nezvinokushoresai vachitamba kudaro zvisina tsarukano pavanenge vachidya nemi. Ziso ravo riri kunezvoupombwe, vane meso asingaguti kutadza. Vanofurira vanhu vasina kunyatsosimba. Vane mwoyo yakadzidziswa makaro. Vanhu vakarengererwa rushambwa. Vakasiya nzira kwayo vakatetereka votevera nzira yaBhiriamu mwana waBheori aida kuzvipfumisa nokuda zvakaipa. Asi akatsiurwa pakukanganisa kwake. Dhongi risingatauri rakataura nezwi romunhu rikadzora muporofita pakupenga kwake. Ava zvisipiti zvisina mvura nemhute inovhuvhutwa nedutu, chavo chavakachengeterwa izarima rapasi pasi. Nokuti vanotaura mazwi makuru oupenzi vachishandisa muviri wavo zvinonyadzisa zvoruchiva rwenyama kuti vateye vanhu vari kutotangisa kupunyuka vachibva muvanhu vakarasika. Vanovatsidzira rusununguko asi ivo vari varanda vokuora, nokuti munhu anokundwa nechinhu anova muranda wechinhu ichocho. Nokuti kana vapunyuka zvinosvibisa panyika pamusana pokuziva Tenzi wedu noMuponesi Jesu Kristu, vanobatwazve nazvo nokukurirwa nazvo. Magumo avo anoipa kupinda aya. Zvaitova nani kwavari dai vakanga vasina kumboziva zvavo nzira yoururami panze pokuiziva vozodzokera shure vachibva kumutemo unoera wavakapiwa. Zvinorehwa netsumo zvinenge zvava zvechokwadi zvinoti: “Imbwa inodya marutsi ayo. Uye Nguruve inenge yashambidzwa inoenda kundoumburuka mumatope.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 2 Petro 2

2 Petro 2:10-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

2 Petro 2:10-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

ɀikuru iʋo ʋanofamba nomutoʋo wenyama pakuciʋa kunoȿiɓisa nokuɀidza ʋukuru; ʋanotsuŋga, ʋaciita nokuɗa kwaʋo, ʋasiŋgatyi kutuka aʋo ʋanokubginya; ʋatumŋa, kunyaŋge ʋanoʋapfuʋura nesimba noʋukuru, haʋaʋuyi pamberi paShe nemhoȿa yokuʋapomera nayo. Asi aʋa ɀaʋanotuka ɀaʋasiŋgaziʋi, ʋakaita semhuka dzisinomuraŋgariro, dzakaɓerekwa kuti dziɓatwe, dziparadzwe, naiʋo ʋacaparadzwa pakuʋora kwaʋo, ʋaciitirwa ɀisakarurama, uri muɓairo wokusarurama kwaʋo; ʋanhu ʋanoti, kutamba masikati ndiɀo ɀinofadza, iʋo makwapa namaʋara, ʋanofara nokunyeŋgera kwaʋo kana ʋacidya nemi; ʋanameso azere noʋupombge, asiŋgaregi kutadza; ʋanonyeŋgera ʋanhu ʋasinesimba; ʋanomŋoyo wakadzidziswa kuciʋa; iʋo ʋana ʋokutukwa; ʋakasiya nzira yakarurama, ʋakatsauka, ʋakateʋera nzira yaBarami, mŋanakomana waBeori, wakaɗa muɓairo wokusarurama; asi wakarairwa pamsoro pokuɗarika kwake, nokuti mboŋgoro, isiŋgagoni kutaura, yakataura nenzwi romunhu, ikadziʋisa kupeŋga kwomuprofita. Iʋaʋa matsime asinemvura, mhute rinodziŋgwa nemhepo; iʋo ʋakaceŋgetererwa kuȿiɓa kwerima. Nokuti nokutaura kwaʋo mashoko mazhinji okuɀikudza asinamaturo, ʋanonyeŋgera pakuciʋa kwenyama noʋutere, aʋo ʋacaŋgotiza ʋacibva kunaʋanogara pakutsauka; ʋaciʋapikira kusunuŋgurwa, nyamba iʋo ʋamene ʋaranda ʋokuʋora; nokuti waakundwa naye, munhu unoitwa muranda wake. Nokuti iʋo, kana nenzira yokuziʋa Ishe, Muponesi Jesu Kristu, ʋambotiza haʋo ɀinoȿiɓisa ɀenyika, kana ʋakaɓatwa nokukundwa ɀe naɀo, kuguma kwaʋo kwaipa kupfuʋura kutaŋga kwaʋo. Nokuti ɀaiʋa nani kwaʋari kana ʋasaiziʋa nzira yokururama, pakuti ʋadzoke pamurairo mutȿene waʋakapiwa, waʋakaŋga ʋambouziʋa haʋo. Ɀinorebga neshumo yaɀokwaɗi ndiɀo ɀakaitwa kwaʋari, ɀinoti: Imbga yakadzokera kumarutsi ayo, neŋguruʋe yakaŋga yashambidzwa, kukuʋumburuka mumatope.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 2 Petro 2