1 Samueri 17
17
Dhavhidhi anouraya Goriati
1Zvino vaFirisitia vakakoka hondo dzavo kuzorwa, vakaungana paSoko raiva raJudha, vakavaka misasa yavo pakati peSoko naAzeka paEfesidamimi. 2Sauro navarume vaIsiraeri vakaunganawo, vakavaka misasa yavo pamupata weEra, vakagadzira hondo kuzorwa navaFirisitia. 3VaFirisitia vakanga vamire pagomo kuno rumwe rutivi, navaIsiraeri vakanga vamire pagomo kuno rumwe rutivi; mupata wakanga uri pakati pavo.
4Zvino kumisasa yavaFirisitia kwakabuda mhare, yainzi Goriati weGati; kureba kwake kwakanga kuna makubhiti matanhatu uye sapanosvika minwe. 5Wakanga ane ngoani yendarira pamusoro wake, uye wakanga akafuka nguo dzokurwa dzamabape endarira, nguo dzokurwa dzamabape endarira dzakasvika mashekeri ane zviuru zvishanu zvendarira pakurema kwadzo. 6Wakanga ane zvidzitiro zvamakumbo zvendarira, nemharu yendarira pakati pamafudzi ake.
7Rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakafanana nedanda romuruki; nechese yepfumo rake yakasvika mashekeri ana mazana matanhatu amatare pakurema kwayo; uye mubati wenhowo yake waifamba mberi kwake. 8Akamira, akadanidzira kuhondo dzavaIsiraeri, akati kwavari, “Mabudireiko muchigadzira hondo yenyu? Ini handizi muFirisitia, nemi varanda vaSauro here? Imi muzvitsaurire murume, aburukire kuno kwandiri. 9Kana akagona kurwa neni, akandiuraya, isu tichava varanda venyu; asi kana ini ndikamukunda, ndikamuuraya, imi muchava varanda vedu, muchatibatira.” 10MuFirisitia akati, “Nhasi ndinoshoora hondo dzavaIsiraeri; ndipei munhu, tirwe.” 11Zvino Sauro navaIsiraeri vose vakati vachinzwa mashoko awa omuFirisitia, vakavhunduka, vakatya kwazvo.
12Zvino Dhavhidhi wakanga ari mwanakomana womuEfurata weBheterehemujudha, wainzi Jese; iye wakanga ana vanakomana vasere, asi munhu uyu wakanga ava mutana pamazuva aSauro, akwegura pakati pavarume. 13Vanakomana vatatu vakuru vaJese vakanga vaenda naSauro kundorwa; zvino mazita avana vake vatatu, vakanga vaenda kundorwa, akanga ari, Eriabhu wedangwe, tevere Abhinadhabhu, wechitatu Shama.
14Dhavhidhi wakanga ari muduku kuna vose; vakuru vatatu vakanga vaenda naSauro. 15Zvino Dhavhidhi waisienda kuna Sauro, achidzoka kuzofudza makwai ababa vake paBheterehemu. 16MuFirisitia waiswedera mangwana namadeko, akamirapo mazuva ana makumi mana.
17Zvino Jese akati kuna Dhavhidhi mwanakomana wake, “Chindopa vakuru vako imwe yezviyo izvi zvakakangwa, nezvingwa zvine gumi, ukurumidze kuzviisa kumisasa kuvakuru vako; 18asi mapundu awa omukaka wakafa ane gumi uise kumukuru wechuru chavo, ugotarira kuti vakuru vako vakadiniko, ndokutora kwavari chokuwonerapo.” 19Zvino Sauro, naivo navarume vose vaIsiraeri vakanga vari pamupata weEra vachirwa navaFirisitia.
20Dhavhidhi akamuka mangwanani, akasiya makwai ake kumufudzi, akatora nhumbi, akaenda kwaakanga arairwa naJese; akasvika pakanga pakarundwa ngoro, varwi vobuda vachiridza mhere kundorwa. 21VaIsiraeri navaFirisitia vakazvigadzira kurwa, hondo dzakatarisana. 22Dhavhidhi akasiya nhumbi dzake pamaoko omutariri wenhumbi, akamhanyira kuhondo, akasvika akakwazisa vakuru vake. 23Zvino wakati achataura navo, iya mhare ikabuda kuhondo yavaFirisitia, iye muFirisitia weGati, wainzi Goriati, akataura mashoko aaisitaura, Dhavhidhi akaanzwa. 24Zvino varume vose vaIsiraeri vakati vachiona murume uyu, vakamutiza, vakatya kwazvo. 25Varume vaIsiraeri vakati, “Maona here murume uyo, wakwira? Zvirokwazvo wakwira kuzoshoora Isiraeri; munhu unomuuraya, mambo uchamufumisa nefuma zhinji, nokumupawo mwanasikana wake, nokusunungura imba yababa vake munaIsiraeri.”
26Zvino Dhavhidhi akataura navarume vakanga vamire naye, akati, “Munhu, unouraya muFirisitia uyu, akabvisa kushoorwa kwavaIsiraeri uchapiweiko? Nokuti muFirisitia uyu usinokudzingiswa ndianiko, unoshoora hondo dzaMwari mupenyu?” 27Vanhu vakamupindura saizvozvo, vakati, “Munhu, unomuuraya, uchapiwa chokuti nechokuti.”
28Zvino Eriabhu mukoma wake mukuru akanzwa achitaura navarume avo, Eriabhu akatsamwira Dhavhidhi, akati, “Waburukireiko pano iwe? Makwai aya mashoma waasiya naniko murenje? Ndinoziva manyawi ako, nokuipa kwomwoyo wako; nokuti waburuka kuzoona hondo.”
29Dhavhidhi akati, “Zvino ndadiniko hangu? Handina kungobvunza hangu here?”
30Akatendeukirazve kunomumwe, akataurazve saizvozvo; vanhu vakamupindurazve saizvozvo.
31Zvino vakati vanzwa mashoko akataurwa naDhavhidhi, vakaarondedzera kuna Sauro; akatuma munhu kuzomudana. 32Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ngakurege kuva nomunhu unopera mwoyo nokuda kwake; muranda wenyu uchaenda kundorwa nomuFirisitia uyo.”
33Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Haungagoni kundorwa nomuFirisitia uyo, nokuti uchiri mukomana, asi iye murume murwi kubva pauduku hwake.”
34Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Muranda wenyu waifudza makwai ababa vake; zvino kana shumba ikasvika, kana bere, kuzotora gwayana paboka, 35ndaibuda, ndikaitevera, ndikaiuraya, ndikaiwira pamuromo wayo; kana ichinge ikandimukira, ndaibata ndebvu dzayo, ndokuibaya nokuiuraya.” 36Muranda wenyu akazviuraya zvose, kunyangwe shumba kunyangwe bere; muFirisitia uyu usinokudzingiswa uchafanana nechimwe chazvo, nokuti wakashora hondo dzaMwari mupenyu. 37Dhavhidhi akati, “Jehovha wakandirwira pagumbo reshumba negumbo rebere, iye uchandirwirawo paruoko rwomuFirisitia uyu.” Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda hako, Jehovha uchava newe.” 38Sauro akafukidza Dhavhidhi nguo dzake, akadzika ngoani yendarira pamusoro wake, akamufukidza nguo dzokurwa dzamabape endarira. 39Zvino Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguo dzake, akaidza kufamba; nokuti wakanga asina kumboidza izvozvo. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Handigoni kufamba nadzo, nokuti handina kumbodziidza.” Dhavhidhi akadzibvisa. 40Akabata tsvimbo muruoko rwake, akazvitsaurira hurungudo shanu parukova, akadziisa muhombodo yake yomufudzi, yaakanga anayo, imo munhava yake; chifuramabwe chake chakanga chiri muruoko rwake; akaswedera kumuFirisitia.
41MuFirisitia akauya, akaswedera kuna Dhavhidhi; munhu wakanga akabata nhovo yake akamutungamirira. 42Zvino muFirisitia wakati achitarira, akaona Dhavhidhi, akamuzvidza; nokuti wakanga achiri mukomana hake, mutsvuku, ane chiso chakanaka. 43MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, “Ndiri imbwa kanhi, zvaunouya kwandiri netsvimbo?” MuFirisitia akatuka Dhavhidhi navamwari vake. 44MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, “Uya kuno kwandiri, ndipe shiri dzokudenga nezvikara zvebundo nyama yako.”
45Ipapo Dhavhidhi akati kumuFirisitia, “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzavaIsiraeri, vaunoshoora. 46Nhasi Jehovha uchakuisa muruoko rwangu; ndichakuuraya, ndichakugura musoro wako, ndichapa shiri dzokudenga nezvikara zvenyika zvitunha zvehondo dzavaFirisitia nhasi, kuti nyika yose izive kuti Mwari uripo pakati paIsiraeri.” 47Zvino kuti ungano iyo yose izive, kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo, nokuti kurwa ndokwaJehovha, iye uchakuisa mumaoko edu.
48Zvino muFirisitia wakati achisimuka, achiuya kuzosangana naDhavhidhi, Dhavhidhi akakurumidza, akamhanyira kuhondo kuzosangana nomuFirisitia. 49Dhavhidhi akapinza ruoko rwake muhombodo yake, akabvisamo ibwe, akariposhera, akarova muFirisitia pahuma yake; ibwe rikanyura muhuma yake, iye akawira pasi nechiso. 50Naizvozvo Dhavhidhi akakunda muFirisitia nechifuramabwe nebwe, akakunda muFirisitia, akamuuraya; asi kwakanga kusino munondo muruoko rwaDhavhidhi.
51Zvino Dhavhidhi akamhanya, akamira pamusoro pomuFirisitia, akatora munondo wake, akauvhomora pamuhara wawo, akamuuraya, akamugura musoro wake nawo. Zvino vaFirisitia vakati vachiona kuti mhare yavo yafa, vakatiza. 52Zvino varume vaIsiraeri navaJudha vakasimuka, vakadanidzira, vakatevera vaFirisitia kusvikira paGati napamusuo eEkironi. Vakanga vakuvadzwa vavaFirisitia vakawira pasi panzira inoenda Shaaraimi, kusvikira paGati napaEkironi. 53Ipapo vana vaIsiraeri vakadzoka pakudzingirira vaFirisitia, vakapambara misasa yavo.
54Dhavhidhi akatora musoro womuFirisitia, akauisa Jerusaremu, asi nguo dzake dzokurwa nadzo wakadziisa mutende rake.
55Zvino Sauro wakati achiona Dhavhidhi achibuda kundorwa nomuFirisitia, akati kuna Abhineri, mukuru wehondo, “Abhineri, mukomana uyo mwanakomana waaniko?” Abhineri akati, “Nomweya wenyu mupenyu, mambo handizivi.”
56Mambo akati, “Bvunza zvakanaka kuti mukomana uyu mwanakomana waaniko.”
57Zvino pakudzoka kwaDhavhidhi pakuuraya muFirisitia Abhineri akamutora akamuisa pamberi paSauro, achakabata musoro womuFirisitia muruoko rwake. 58Sauro akati kwaari, “Ndiwe mwanakomana waaniko, iwe jaya?” Dhavhidhi akapindura, akati, “Ndiri mwanakomana womuranda wenyu Jese muBheterehemu.”
Zvasarudzwa nguva ino
1 Samueri 17: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002