1
1 Samueri 17:45
Shona Bible 1949, revised 2002
Ipapo Dhavhidhi akati kumuFirisitia, “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzavaIsiraeri, vaunoshoora.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
1 Samueri 17:47
Zvino kuti ungano iyo yose izive, kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo, nokuti kurwa ndokwaJehovha, iye uchakuisa mumaoko edu.
3
1 Samueri 17:37
Dhavhidhi akati, “Jehovha wakandirwira pagumbo reshumba negumbo rebere, iye uchandirwirawo paruoko rwomuFirisitia uyu.” Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda hako, Jehovha uchava newe.”
4
1 Samueri 17:46
Nhasi Jehovha uchakuisa muruoko rwangu; ndichakuuraya, ndichakugura musoro wako, ndichapa shiri dzokudenga nezvikara zvenyika zvitunha zvehondo dzavaFirisitia nhasi, kuti nyika yose izive kuti Mwari uripo pakati paIsiraeri.”
5
1 Samueri 17:40
Akabata tsvimbo muruoko rwake, akazvitsaurira hurungudo shanu parukova, akadziisa muhombodo yake yomufudzi, yaakanga anayo, imo munhava yake; chifuramabwe chake chakanga chiri muruoko rwake; akaswedera kumuFirisitia.
6
1 Samueri 17:32
Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ngakurege kuva nomunhu unopera mwoyo nokuda kwake; muranda wenyu uchaenda kundorwa nomuFirisitia uyo.”
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo