Vakadzi vakaimba vachibvumirana pakuridza kwavo, vakati,
“Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake,
Asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake.”
Sauro akatsamwa kwazvo, shoko iri rikasamufadza, akati, “Vakapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini vakandipa zviuru zvoga; chaanoshaiwa zvino chinyiko, asi ushe hwoga?”