Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 16

16
Samueri anozodza Dhavhidhi
1Zvino Jehovha wakati kuna Samueri, “Uchachema Sauro kusvikira riniko, zvandakamuramba ini, kuti arege kuva mambo waIsiraeri? Zadza gonamombe rako namafuta, uende, ndikutume kuna Jese muBheterehemu; nokuti ndakazvitsvakira mambo pakati pavana vake.”
2Samueri akati, “Ndingaenda seiko? Kana Sauro akazvinzwa, uchandiuraya.” Jehovha akati, “Enda netsiru, uti, ‘Ndauya kuzobayira Jehovha.’ 3Zvino udane Jese auye kuchibayiro, ini ndichakuzivisa zvaunofanira kuita, ugondizodzera wandichakuratidza.”
4Samueri akaita zvakataurwa naJehovha, akaenda Bheterehemu. Vakuru veguta vakandosangana naye, vachibvunda, vakati, “Mauya norugare here?”
5Akati, “Hongu, norugare; ndauya kuzobayira Jehovha, muzvinatsei, muende neni kundobayira.” Ipapo akanatsa Jese navanakomana vake, akavadana kuchibayiro.
6Zvino vakati vasvika, akatarira Eriabhu, akati, “Zvirokwazvo, muzodzwa waJehovha uri pamberi pake.” 7Asi Jehovha wakati kuna Samueri, “Usatarira chiso chake, kana mumhu wake, nokuti ndamuramba; nokuti Jehovha haawoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.” 8Zvino Jese akadana Abhinadhabhu, akamupfuudza pamberi paSamueri. Akati, “Kunyange nouyu Jehovha haana kumutsaura.”
9Zvino Jese akapfuudza Shama. Akati, “Nouyu Jehovha haana kumutsaura.”
10Jese akapfuudza vanomwe vavanakomana vake pamberi paSamueri. Samueri akati kuna Jese, “Jehovha haana kutsaura ava.” 11Zvino Samueri akati kuna Jese, “Vana vako varipano vose here?” Akati, “Muduku kuna vose ndiye wasara; tarirai unorisa makwai.” Samueri akati kuna Jese, “Tuma munhu amutore, nokuti hatingagari pakudya kusvika iye auya pano.” 12Akatuma munhu, akapinda naye. Zvino wakanga ari mutsvuku, akanaka kumeso, ano muviri wakanaka. Jehovha akati, “Simuka, umuzodze, nokuti ndiye.” 13Ipapo Samueri akatora gonamombe ramafuta, akamuzodza pakati pehama dzake. Mweya waJehovha akauya pamusoro paDhavhidhi nesimba, kubva pazuva iro zvichienda mberi. Zvino Samueri akasimuka, akaenda Rama.
Dhavhidhi anonyaradza mweya waSauro
14Zvino Mweya waJehovha wakanga wabva kuna Sauro, mweya wakaipa wakanga watumwa naJehovha, ukamuvhundusa. 15Varanda vaSauro vakati kwaari, “Tarirai zvino, mweya wakaipa, wakatumwa naMwari, unokuvhundusai.”
16Zvino tenzi wedu ngaatiraire isu varanda venyu vari pamberi penyu, kuti titsvake munhu unoziva kuridza mbira kwazvo; zvino kana mweya wakaipa, unotumwa naMwari, uchiuya pamusoro penyu, iye aridze noruoko rwake, mupore.
17Sauro akati kuvaranda vake, “Chinditsvakirai munhu unogona kuridza zvakanaka, muuye naye kwandiri.”
18Zvino mumwe wamajaya akapindura, akati, “Tarirai, ndakaona mwanakomana waJese muBheterehemu unoziva kuridza kwazvo, munhu ane simba noumhare, murwi, wakachenjera pakutaura, munhu wakanaka, uye Jehovha anaye.”
19Naizvozvo Sauro akatuma nhume kuna Jese, akati, “Nditumire mwanakomana wako Dhavhidhi, ari kumakwai.” 20Jese akatora mbongoro, akaitakudza chingwa, nedende rewaini, nembudzana, akazvituma kuna Sauro nomwanakomana wake Dhavhidhi.
21Dhavhidhi akasvika kuna Sauro, akamira pamberi pake, iye akamuda kwazvo, akava mubati wenhumbi dzake dzokurwa. 22Sauro akatuma shoko kuna Jese, akati, “Tendera hako Dhavhidhi amire pamberi pangu, nokuti ndinomufarira kwazvo.” 23Zvino nguva dzose kana mweya wakaipa, wakatumwa naMwari, uchiuya pamusoro paSauro, Dhavhidhi ndokutora mbira, nokuridza noruoko rwake; Sauro akanyaradzwa, akapora, mweya wakaipa ndokubva kwaari.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Samueri 16: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda