Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 17:34-47

1 Samueri 17:34-47 SNA2002

Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Muranda wenyu waifudza makwai ababa vake; zvino kana shumba ikasvika, kana bere, kuzotora gwayana paboka, ndaibuda, ndikaitevera, ndikaiuraya, ndikaiwira pamuromo wayo; kana ichinge ikandimukira, ndaibata ndebvu dzayo, ndokuibaya nokuiuraya.” Muranda wenyu akazviuraya zvose, kunyangwe shumba kunyangwe bere; muFirisitia uyu usinokudzingiswa uchafanana nechimwe chazvo, nokuti wakashora hondo dzaMwari mupenyu. Dhavhidhi akati, “Jehovha wakandirwira pagumbo reshumba negumbo rebere, iye uchandirwirawo paruoko rwomuFirisitia uyu.” Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda hako, Jehovha uchava newe.” Sauro akafukidza Dhavhidhi nguo dzake, akadzika ngoani yendarira pamusoro wake, akamufukidza nguo dzokurwa dzamabape endarira. Zvino Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguo dzake, akaidza kufamba; nokuti wakanga asina kumboidza izvozvo. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Handigoni kufamba nadzo, nokuti handina kumbodziidza.” Dhavhidhi akadzibvisa. Akabata tsvimbo muruoko rwake, akazvitsaurira hurungudo shanu parukova, akadziisa muhombodo yake yomufudzi, yaakanga anayo, imo munhava yake; chifuramabwe chake chakanga chiri muruoko rwake; akaswedera kumuFirisitia. MuFirisitia akauya, akaswedera kuna Dhavhidhi; munhu wakanga akabata nhovo yake akamutungamirira. Zvino muFirisitia wakati achitarira, akaona Dhavhidhi, akamuzvidza; nokuti wakanga achiri mukomana hake, mutsvuku, ane chiso chakanaka. MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, “Ndiri imbwa kanhi, zvaunouya kwandiri netsvimbo?” MuFirisitia akatuka Dhavhidhi navamwari vake. MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, “Uya kuno kwandiri, ndipe shiri dzokudenga nezvikara zvebundo nyama yako.” Ipapo Dhavhidhi akati kumuFirisitia, “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzavaIsiraeri, vaunoshoora. Nhasi Jehovha uchakuisa muruoko rwangu; ndichakuuraya, ndichakugura musoro wako, ndichapa shiri dzokudenga nezvikara zvenyika zvitunha zvehondo dzavaFirisitia nhasi, kuti nyika yose izive kuti Mwari uripo pakati paIsiraeri.” Zvino kuti ungano iyo yose izive, kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo, nokuti kurwa ndokwaJehovha, iye uchakuisa mumaoko edu.