Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 17:34-47

1 Samueri 17:34-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Asi Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Muranda wenyu akanga achifudza makwai ababa vake. Shumba kana bere zvaiti zvikauya, zvikatakura gwai kubva paboka ramakwai, ndaitevera, ndigoiuraya ndigoponesa gwai kubva pamuromo wayo. Yakati ichitendeukira kwandiri, ndakaibata nemvere dzayo, ndikaibaya ndikaiuraya. Muranda wenyu akauraya zvose shumba nebere; muFiristia uyu asina kudzingiswa achafanana nechimwe chazvo, nokuti ashora hondo dzaMwari mupenyu. Jehovha akandirwira pagumbo reshumba nerebere, ndiye achandirwira muruoko rwomuFiristia uyu.” Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda, uye Jehovha ave newe.” Ipapo Sauro akashongedza Dhavhidhi nenguo dzake. Akamupfekedza jasi rokurwa uye nguwani yendarira pamusoro wake. Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguo akaedza kufamba-famba nadzo akakundikana, nokuti akanga asina kudzizivira. Akati kuna Sauro, “Handingaendi ndakapfeka idzi, nokuti handina kudzijaira.” Saka akadzibvisa. Ipapo akabata tsvimbo yake muruoko rwake, akasarudza hurungudo shanu murukova, akadziisa munhava yake yomufudzi, uye ane chimviriri muruoko rwake, akaswedera kumuFiristia. Zvichakadaro, muFiristia, nomutakuri wenhoo yake mberi kwake, vakaramba vachiswedera pedyo naDhavhidhi. Akatarisa akaona kuti Dhavhidhi akanga ari mukomana zvake, mutsvuku, akanaka, uye akamuzvidza. Akati kuna Dhavhidhi, “Ndiri imbwa kanhi, zvaunouya kwandiri nezvimiti?” Uye navamwari vake, muFiristia akatuka Dhavhidhi. Akati, “Uya kuno ndigopa nyama yako kushiri dzedenga nokumhuka dzesango!” Dhavhidhi akati kumuFiristia, “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo uye nepfumo guru, asi ini ndinouya kwauri muzita raJehovha Wamasimba Ose, Mwari wehondo dzavaIsraeri, uyo waunozvidza. Nhasi Jehovha achakuisa muruoko rwangu, uye ndichakuuraya ndigokugura musoro wako. Nhasi ndichapa mitumbi yehondo yavaFiristia kushiri dzedenga nokuzvikara zvenyika, uye nyika yose ichaziva kuti muIsraeri muna Mwari. Vose vakaungana pano vachaziva kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo; nokuti kurwa ndokwaJehovha, uye achaisa imi mose mumaoko edu.”

1 Samueri 17:34-47 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Muranda wenyu waifudza makwai ababa vake; zvino kana shumba ikasvika, kana bere, kuzotora gwayana paboka, ndaibuda, ndikaitevera, ndikaiuraya, ndikaiwira pamuromo wayo; kana ichinge ikandimukira, ndaibata ndebvu dzayo, ndokuibaya nokuiuraya.” Muranda wenyu akazviuraya zvose, kunyangwe shumba kunyangwe bere; muFirisitia uyu usinokudzingiswa uchafanana nechimwe chazvo, nokuti wakashora hondo dzaMwari mupenyu. Dhavhidhi akati, “Jehovha wakandirwira pagumbo reshumba negumbo rebere, iye uchandirwirawo paruoko rwomuFirisitia uyu.” Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda hako, Jehovha uchava newe.” Sauro akafukidza Dhavhidhi nguo dzake, akadzika ngoani yendarira pamusoro wake, akamufukidza nguo dzokurwa dzamabape endarira. Zvino Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguo dzake, akaidza kufamba; nokuti wakanga asina kumboidza izvozvo. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Handigoni kufamba nadzo, nokuti handina kumbodziidza.” Dhavhidhi akadzibvisa. Akabata tsvimbo muruoko rwake, akazvitsaurira hurungudo shanu parukova, akadziisa muhombodo yake yomufudzi, yaakanga anayo, imo munhava yake; chifuramabwe chake chakanga chiri muruoko rwake; akaswedera kumuFirisitia. MuFirisitia akauya, akaswedera kuna Dhavhidhi; munhu wakanga akabata nhovo yake akamutungamirira. Zvino muFirisitia wakati achitarira, akaona Dhavhidhi, akamuzvidza; nokuti wakanga achiri mukomana hake, mutsvuku, ane chiso chakanaka. MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, “Ndiri imbwa kanhi, zvaunouya kwandiri netsvimbo?” MuFirisitia akatuka Dhavhidhi navamwari vake. MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, “Uya kuno kwandiri, ndipe shiri dzokudenga nezvikara zvebundo nyama yako.” Ipapo Dhavhidhi akati kumuFirisitia, “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzavaIsiraeri, vaunoshoora. Nhasi Jehovha uchakuisa muruoko rwangu; ndichakuuraya, ndichakugura musoro wako, ndichapa shiri dzokudenga nezvikara zvenyika zvitunha zvehondo dzavaFirisitia nhasi, kuti nyika yose izive kuti Mwari uripo pakati paIsiraeri.” Zvino kuti ungano iyo yose izive, kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo, nokuti kurwa ndokwaJehovha, iye uchakuisa mumaoko edu.

1 Samueri 17:34-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ini muranda wenyu ndaimbova mufudzi wehwai dzababa vangu. Kwaiti kana kukauya bere kana shumba ikabata hwayana mudanga, ndaiironda ndigoiuraya ndichinunura hwayana yacho mukanwa mayo. Yaiti ikange yandimukira ndoiti hetu nendebvu dzayo ndoirova ndoiuraya. Ini muranda wenyu ndaiuraya zvose shumba kana bere, kana naiyeyuwo muFirisitia uyu asina kudzingiswa achavawo sezvikara izvozvo zvaari kutovirimira zvake hondo yaMwari mupenyu.” Dhavhidhi akati, “Tenzi nyakumbondinunura mukanwa meshumba nebere achandinunurawo mumaoko omuFirisitia iyeyu.”. Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda zvako Tenzi ngaave newe.” Sauro akapfekedza Dhavhidhi hanzu dzokurwisa nadzo dzake iye pachake. Akamupfekedza nguwani yendarira mumusoro akamupfekedzawo chidemautare chokuzvidzivirira nacho. Dhavhidhi akakwaikira bakatwa rake pahanzu dzake dzokurwisa nadzo. Dhavhidhi zvaakanga asina kujairirana nadzo akatadza kufamba nadzo. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Handikwanise kuenda nadzo nokuti handina kudzijaira.” Dhavhidhi akabva adzipfekenura. Akatora tsvimbo yake mumaoko ndokusarudza tunhombo twakaurungana tushanu mukakova ndokutuisa muhomwe yomunhava yake ndokunanairira muFirisitia uya aine chimviriri chake mumaoko. MuFirisitia uya akabva auya chaizvo kuna Dhavhidhi ikoko, wokumutakurira nhoo uya ari mberi kwake. MuFirisitia akatarisa akaona Dhavhidhi akamushora nokuti aingovawo zvake jaya rakatsvukuruka rine chimirowo zvacho chakanaka. MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, “Ndiri mbwa here yaunouya wakabatira shamhu? MuFirisitia akarengerera achishurikidzira Dhavhidhi rushambwa runobva kuna vamwari vake.” MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, “Uya kwandiri! Nyama yako ndichaipa kushiri dzedenga nokumhuka dzesango.” Dhavhidhi ndokuti kumuFirisitia, “Iwe uri kundivinga nebakatwa nepfumo nemharu, asi ini ndiri kukuvinga muzita raTenzi Samasimbaose, Mwari wehondo dzavaIsiraeri waunoshora. Nhasi uno Tenzi achakuisa mumaoko angu, ndichakuuraya ndokudimura musoro. Iye nhasi uno wakare ndichapa zvitunha zvehondo yavaFirisitia kushiri dzedenga nokuzvikara zvapasi pano zvigozivikanwa pasi pose kuti muIsiraeri muna Mwari. Uyewo kuti gungano iri rose rizive kuti Tenzi haanunure vanhu nebakatwa kana nepfumo nokuti hondo iri mumaoko aTenzi. Atokuisai mumaoko medu.”

1 Samueri 17:34-47 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Davidi akati kunaSauro: Muranda wenyu waifudza makwai aɓaɓa ʋake; ɀino kana shumba ikaȿika, kana ɓere, kuzotora gwaiana paɓoka, ndaiɓuɗa, ndikaiteʋera, ndikaiʋuraya, ndikarirwira pamuromo wayo; kana iciŋge ikandimukira, ndaiiɓata ndebvu dzayo, ndokuiɓaya nokuiʋuraya. Muranda wenyu akaɀiʋuraya ɀose, kunyaŋge shumba kunyaŋge ɓere; muFiristia uyu usino‐kudziŋgiswa ucafanana necimŋe caɀo, nokuti wakashoʋora hondo dzaMŋari mupenyu. Davidi akati: Jehova wakandirwira pagumbo reshumba negumbo reɓere, iye ucandirwira ʋo paruʋoko rwomuFiristia uyu. Ipapo Sauro akati kunaDavidi: Enda hako, Jehova ucaʋa newe. Sauro akafukidza Davidi ŋguʋo dzake, akadzika ŋgoani yendarira pamusoro wake, akamufukidza ŋguʋo dzokurwa dzamaɓape endarira. Ɀino Davidi akasuŋgira munondo wake pamsoro peŋguʋo dzake, akaidza kufamba; nokuti wakaŋga asino‐kumboidza iɀoɀo. Davidi akati kunaSauro: Handigoni kufamba nadzo, nokuti handina‐kumbodziidza. Davidi akadzibvisa. Akaɓata tȿimbo muruʋoko rwake, akaɀitsaurira huruŋguɗo shanu parukoʋa, akadziisa muhomboɗo yake yomufudzi, yaakaŋga anayo, imo munhaʋa yake; cifura‐mabge cake cakaŋga ciri muruʋoko rwake; akasweɗera kumuFiristia. MuFiristia akaʋuya, akasweɗera kunaDavidi; munhu wakaŋga akaɓata nhoʋo yake akamutuŋgamirira. Ɀino muFiristia wakati acitarira, akaʋona Davidi, akamuɀidza; nokuti wakaŋga aciri mukomana hake, mutȿuku, aneciso cakanaka. MuFiristia akati kunaDavidi: Ndiri imbga kanhi, ɀaunoʋuya kwandiri netȿimbo? MuFiristia akatuka Davidi naʋamŋari ʋake. MuFiristia akati kunaDavidi: Ʋuya ʋuno kwandiri, ndipe shiri dzokuɗeŋga neɀikara ɀeɓundo nyama yako. Ipapo Davidi akati kumuFiristia: Iwe unoʋuya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinoʋuya kwauri nezita raJehova wehondo, Mŋari wehondo dzaʋaIsraeri, ʋaunoshoʋora. Nhasi Jehova ucakuisa muruʋoko rwaŋgu; ndicakuʋuraya, ndicakugura musoro wako, ndicapa shiri dzokuɗeŋga neɀikara ɀenyika ɀitunha ɀehondo dzaʋaFiristia nhasi, kuti nyika yose iziʋe kuti Mŋari uri’po pakati paIsraeri. Ɀino kuti ʋuŋgano iyo yose iziʋe, kuti Jehova haaponesi nomunondo kana nepfumo, nokuti kurwa ndokwaJehova, iye ucakuisa mumaʋoko eɗu.

1 Samueri 17:34-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)