Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Samueri 17:34-47

I Samueri 17:34-47 SUB1949

Davidi akati kunaSauro: Muranda wenyu waifudza makwai aɓaɓa ʋake; ɀino kana shumba ikaȿika, kana ɓere, kuzotora gwaiana paɓoka, ndaiɓuɗa, ndikaiteʋera, ndikaiʋuraya, ndikarirwira pamuromo wayo; kana iciŋge ikandimukira, ndaiiɓata ndebvu dzayo, ndokuiɓaya nokuiʋuraya. Muranda wenyu akaɀiʋuraya ɀose, kunyaŋge shumba kunyaŋge ɓere; muFiristia uyu usino‐kudziŋgiswa ucafanana necimŋe caɀo, nokuti wakashoʋora hondo dzaMŋari mupenyu. Davidi akati: Jehova wakandirwira pagumbo reshumba negumbo reɓere, iye ucandirwira ʋo paruʋoko rwomuFiristia uyu. Ipapo Sauro akati kunaDavidi: Enda hako, Jehova ucaʋa newe. Sauro akafukidza Davidi ŋguʋo dzake, akadzika ŋgoani yendarira pamusoro wake, akamufukidza ŋguʋo dzokurwa dzamaɓape endarira. Ɀino Davidi akasuŋgira munondo wake pamsoro peŋguʋo dzake, akaidza kufamba; nokuti wakaŋga asino‐kumboidza iɀoɀo. Davidi akati kunaSauro: Handigoni kufamba nadzo, nokuti handina‐kumbodziidza. Davidi akadzibvisa. Akaɓata tȿimbo muruʋoko rwake, akaɀitsaurira huruŋguɗo shanu parukoʋa, akadziisa muhomboɗo yake yomufudzi, yaakaŋga anayo, imo munhaʋa yake; cifura‐mabge cake cakaŋga ciri muruʋoko rwake; akasweɗera kumuFiristia. MuFiristia akaʋuya, akasweɗera kunaDavidi; munhu wakaŋga akaɓata nhoʋo yake akamutuŋgamirira. Ɀino muFiristia wakati acitarira, akaʋona Davidi, akamuɀidza; nokuti wakaŋga aciri mukomana hake, mutȿuku, aneciso cakanaka. MuFiristia akati kunaDavidi: Ndiri imbga kanhi, ɀaunoʋuya kwandiri netȿimbo? MuFiristia akatuka Davidi naʋamŋari ʋake. MuFiristia akati kunaDavidi: Ʋuya ʋuno kwandiri, ndipe shiri dzokuɗeŋga neɀikara ɀeɓundo nyama yako. Ipapo Davidi akati kumuFiristia: Iwe unoʋuya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinoʋuya kwauri nezita raJehova wehondo, Mŋari wehondo dzaʋaIsraeri, ʋaunoshoʋora. Nhasi Jehova ucakuisa muruʋoko rwaŋgu; ndicakuʋuraya, ndicakugura musoro wako, ndicapa shiri dzokuɗeŋga neɀikara ɀenyika ɀitunha ɀehondo dzaʋaFiristia nhasi, kuti nyika yose iziʋe kuti Mŋari uri’po pakati paIsraeri. Ɀino kuti ʋuŋgano iyo yose iziʋe, kuti Jehova haaponesi nomunondo kana nepfumo, nokuti kurwa ndokwaJehova, iye ucakuisa mumaʋoko eɗu.