Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 17:24-32

1 Samueri 17:24-32 SNA2002

Zvino varume vose vaIsiraeri vakati vachiona murume uyu, vakamutiza, vakatya kwazvo. Varume vaIsiraeri vakati, “Maona here murume uyo, wakwira? Zvirokwazvo wakwira kuzoshoora Isiraeri; munhu unomuuraya, mambo uchamufumisa nefuma zhinji, nokumupawo mwanasikana wake, nokusunungura imba yababa vake munaIsiraeri.” Zvino Dhavhidhi akataura navarume vakanga vamire naye, akati, “Munhu, unouraya muFirisitia uyu, akabvisa kushoorwa kwavaIsiraeri uchapiweiko? Nokuti muFirisitia uyu usinokudzingiswa ndianiko, unoshoora hondo dzaMwari mupenyu?” Vanhu vakamupindura saizvozvo, vakati, “Munhu, unomuuraya, uchapiwa chokuti nechokuti.” Zvino Eriabhu mukoma wake mukuru akanzwa achitaura navarume avo, Eriabhu akatsamwira Dhavhidhi, akati, “Waburukireiko pano iwe? Makwai aya mashoma waasiya naniko murenje? Ndinoziva manyawi ako, nokuipa kwomwoyo wako; nokuti waburuka kuzoona hondo.” Dhavhidhi akati, “Zvino ndadiniko hangu? Handina kungobvunza hangu here?” Akatendeukirazve kunomumwe, akataurazve saizvozvo; vanhu vakamupindurazve saizvozvo. Zvino vakati vanzwa mashoko akataurwa naDhavhidhi, vakaarondedzera kuna Sauro; akatuma munhu kuzomudana. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ngakurege kuva nomunhu unopera mwoyo nokuda kwake; muranda wenyu uchaenda kundorwa nomuFirisitia uyo.”