Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 17:24-32

1 Samueri 17:24-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

VaIsraeri vakati vachiona murume uyu, vose vakamutiza vachitya zvikuru. Zvino vaIsraeri vakanga vachiti, “Muri kuona here murume uyu ari kuramba achibuda? Ari kubuda kunze kuzoshora vaIsraeri. Mambo achapa pfuma zhinji kumunhu anomuuraya. Achamupawo mwanasikana wake kuti ave mukadzi wake, uye achasunungura mhuri yababa vake kuti irege kuzobvisa mutero muIsraeri.” Dhavhidhi akabvunza varume vakanga vamire naye akati, “Munhu achauraya muFiristia uyu agobvisa chinyadziso ichi pavaIsraeri achaitirwei? Ndianiko muFiristia uyu asina kudzingiswa anoshora hondo dzaMwari mupenyu?” Vakadzokorora kwaari zviya zvavakanga vachitaura vakati kwaari, “Ndizvo zvichaitirwa munhu anomuuraya.” Eriabhi, mukoma mukuru waDhavhidhi, akati achimunzwa achitaura navarume vaya, akamutsamwira zvikuru, akamubvunza akati, “Seiko iwe waburuka ukauya kuno? Ko, makwai mashoma aya waasiya naani kurenje? Ndinoziva manyawi ako nokuipa kwomwoyo wako; waburuka kuno kuti uzoona hondo chete.” Dhavhidhi akati, “Ko, zvino ndaita sei hangu? Ko, handingatongotauriwo here?” Ipapo akatendeukira kuno mumwezve akamubvunza shoko rimwe chetero, vanhu vakamupindurazve saizvozvo. Zvakataurwa naDhavhidhi zvakanzwikwa uye runyerekupe rukaziviswa kuna Sauro, uye Sauro akatuma munhu kundomudana. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ngaparege kuva nomunhu anoora mwoyo nokuda kwomuFiristia uyu; muranda wenyu achaenda kundorwa naye.”

1 Samueri 17:24-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Varwi vose zvavo veIsiraeri pavakamuona vakamutiza vachitya kwazvo. Varwi veIsiraeri vakataurirana vachiti, “Muri kuona here murume uyo? Uyu ndiye munhu ari kuzovirimira Isiraeri kwazvo. Munhu anenge amuuraya, mambo achamupa upfumi hwakawanda kwazvo nokumupawo mukunda wake. Achatiwo mhuri yokwake igare zvayo isina chainomanikidzwa kuita muIsiraeri.” Dhavhidhi akati kuvarume vaiva vamire naye, “Munhu anenge auraya muFirisitia uyu achibvisa nyadzi pavaIsiraeri achaitirweiko nokuti ndiani muFirisitia iyeyu asina zvake kudzingiswa anobva atodai kudhadhairira hondo yaMwari mupenyu?” Ivavowo vakamupindura zvimwechetezvo vakati, “Ndizvo zvichaitirwa anenge amuuraya.” Zvino paitaura Dhavhidhi navamwe varume vaya, mukoma wake mukuru Eriabhu akazvinzwa akamuvirukura nehasha achiti, “Ko wavingei kuno? Hwai dziya shoma wadzisiya nani musango ndinoziva kushaya matyira kwako nokuipa mwoyo kwako, izvozvi kuuya zvako kuzoyeva chete hondo iri kurwiwa.” Dhavhidhi akapindura achiti, “Ko zvino ndatadzei? Kazwi kamwechete chete kandati nditaure?” Akatendeuka kubva kuno uya obvunza mumwewo zvimwechetezvo, vanhu vakapindura zvimwechetezvo. Mazwi akataurwa naDhavhidhi paakanzwikwa navanhu vakaasvitsa kuna Sauro. Sauro ndokumutumira nhume kuti auye. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ngaparege kuwana munhu anorasa mwoyo pamusana pomunhu uyu. Ini muranda wenyu ndichaenda ndindorwisa muFirisitia uyu.”

1 Samueri 17:24-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)