Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Samueri 17:24-32

I Samueri 17:24-32 SUB1949

Ɀino ʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakati ʋaciʋona murume uyu, ʋakamutiza, ʋakatya kwaɀo. Ʋarume ʋaIsraeri ʋakati: Maʋona here murume uyo, wakwira? Ɀirokwaɀo wakwira kuzoshoʋora Israeri; munhu unomuʋuraya, mambo ucamufumisa nefuma zhinji, nokumupa ʋo mŋanasikana wake, nokusunuŋgura imba yaɓaɓa ʋake munaIsraeri. Ɀino Davidi akataura naʋarume ʋakaŋga ʋamire naye, akati: Munhu, unoʋuraya muFiristia uyu, akabvisa kushoʋorwa kwaʋaIsraeri ucapiweiko? Nokuti muFiristia uyu usino‐kudziŋgiswa ndianiko, unoshoʋora hondo dzaMŋari mupenyu? Ʋanhu ʋakamupindura saiɀoɀo, ʋakati: Munhu, unomuʋuraya, ucapiwa cokuti necokuti. Ɀino Eriabi mukoma wake mukuru akanzwa acitaura naʋarume aʋo, Eriabi akatsamŋira Davidi, akati: Waɓurukireiko pano iwe? Makwai aya mashoma waasiya naniko murenje? Ndinoziʋa manyawi ako, nokuipa kwomŋoyo wako; nokuti waɓuruka kuzoʋona hondo. Davidi akati: Ɀino ndaɗiniko haŋgu? Handina‐kuŋgobvunza haŋgu here? Akatendeʋukira ɀe kunomumŋe, akataura ɀe saiɀoɀo; ʋanhu ʋakamupindura ɀe saiɀoɀo. Ɀino ʋakati ʋanzwa mashoko akataurwa naDavidi, ʋakaarondedzera kunaSauro; akatuma munhu kuzomuɗana. Davidi akati kunaSauro: Ŋgakurege kuʋa nomunhu unopera mŋoyo nokuɗa kwake; muranda wenyu ucaenda kundorwa nomuFiristia uyo.