Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 10:1-16

1 Samueri 10:1-16 SNA2002

Zvino Samueri akatora chinu chamafuta, akadurura pamusoro wake, akamutsvoda, akati, “Jehovha haana kukuzodza here kuti uve mutungamiriri wavanhu venhaka yake? “Kana ukabva kwandiri nhasi uchandowana varume vaviri parinda raRakeri, pamuganho waBhenjamini, paZeriza; ivo vachati kwauri, ‘Mbongoro dzawakanga uchitsvaka dzawanikwa; zvino, baba vako havachine hanya nembongoro, asi vofunganya pamusoro pako,’ vachiti ‘Ndichaita seiko pamusoro pomwanakomana wangu?’ Zvino uchabvapo ukapfuura mberi, ukasvika pamuouki weTabhori; ipapo uchasangana navarume vatatu vanokwira kuna Mwari paBhetieri, mumwe akatakura mbudzana nhatu, mumwe akatakura mapundu matatu ezvingwa, uye mumwe akatakura dende rewaini; ivo vachakukwazisa, ndokukupa mapundu maviri ezvingwa; ugamuchire izvozvo pamaoko avo. Pashure uchasvika pagomo raMwari pane boka ravarwi ravaFirisitia; zvino kana uchisvika paguta, uchasangana neboka ravaporofita vanoburuka padunhu rakakwirira vakatungamirirwa nemitengeranwa, nengoma, nenyere, nembira, vachingoporofita; “Ipapo Mweya waJehovha uchauya pamusoro pako nesimba, ukaporofita pamwechete navo, ukashanduka ukava mumwe munhu. Zvino kana zviratidzo izvi zvikaonekwa newe, uite chinhu chipi nechipi chaunoratidzwa kuti uchiite, nokuti Mwari anewe. Zvino unditungamirire Girigari; tarira, ini ndichaburukira kwauri, kuti ndibayire zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa; unofanira kundimirira mazuva manomwe, kusvikira ndauya kwauri, ndikuratidze zvaunofanira kuita.” Zvino wakati atendeuka, obva kuna Samueri, Mwari akamupa mumwe mwoyo; zviratidzo izvo zvose zvikaitika nomusi iwoyo. Vakati vachisvika pagomo, boka ravaporofita rikasangana naye; Mweya waMwari wakauya pamusoro pake nesimba, akaporofita pakati pavo. Zvino vose vaimuziva kare vakati vachiona izvozvo, kuti woporofita pamwechete navo, vanhu vakataurirana, vakati, “Chinyiko chawira mwanakomana waKishi? Sauro wava pakati pavaporofitawo here?” Zvino mumwe wapo akapindura, akati, “Baba vavo ndianiko?” Naizvozvo yakazova shumo kuti, “Ko Sauro wava pakati pavaporofita here?” Akati apedza kuporofita, akasvika padunhu rakakwirira. Babamunini vaSauro vakati kwaari, nokumuranda wake, “Makanga maendepiko?” Akati, “Kundotsvaka mbongoro, asi takati tichiona kuti hadziwanikwi, tikaenda kuna Samueri.” Babamunini vaSauro vakati, “Dondiudzawo zvamakaudzwa naSamueri.” Ipapo Sauro akati kuna babamunini vake, “Wakatiudza pachena, kuti mbongoro dzatowanikwa hadzo.” Asi haana kumuudza shoko roushe rakanga rataurwa naSamueri.