Zvino Samueri akatora chinu chamafuta akadururira mumusoro waSauro akamutsvoda akati, “Handiti Tenzi, izvozvi atokuzodza achikugadza kuti uve mutungamiriri wavanhu vake vaIsiraeri? Ndiwe uchatonga vanhu vaTenzi uchivanunurawo kuvavengi vavo vari munharaunda yavo. Chiratidzo chauchaziva nacho kuti Tenzi akuzodza achikugadza kuti uve mutungamiriri wavanhu vake ndechichi chokuti, paunobva pano pandiri iye nhasi uno uchandosangana navarume vaviri pedyo neguva raRakeri kumuganho wenyika yokwaBhenjamini kuZeriza vachakutaurira kuti, ‘Madhongi awakanga uchitsvaka akawanikwa.’ Asi zvino baba vako havasisiri kunetseka nezvemadhongi vava kutotambudzika mumwoyo pamusoro pako vachiti, ‘Ndoita waaniko nezvemwana wangu?’ Kana wabva ipapo uchienda mberi uchasvika napamuoku wokuTabheri. Ipapo uchasangana navarume vatatu vanenge vachienda kuna Mwari kuBhetieri. Mumwe achange akatakura mbudzana nhatu, mumwe akatakura zvingwa zvitatu, mumwewo achange akatakura chigubhu chematehwe chewaini. Vachakukwazisa vagokupa zvingwa zviviri. Iwe unofanira kuzvigamuchira. Uchazosvikawo kugomo rinonzi Gibheatierohimu ikoko kune kachikwata kavarwi vechiFirisitia. Wava kupinda muguta iroro uchasangana nedungwerungwe ravaporofita vachiburuka kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira vachitungamirirwa navanhu vanenge vachiridza madimbwa nengoma nenyere nezvipendani, vachiporofita. “Mweya waTenzi achabva auyawo zvine simba guru kwazvo pauri iwe ugoporofita pamwechete navo. Iwe uchasanduka ukava mumwe munhu akasiyana nezvauri izvi. Ukange waona zviratidzo izvozvi zvaitika uite zvaunoona kuti zvinodiwa kuitwa nokuti Mwari anewe. Zvino iwe unozofanotungamira kuGirigari. Ini ndichakutevera kuzopira mipiro yokupisa nokupirawo zvibayiro zvokuwadzana. Unondimirirako kwamazuva manomwe kudzamara ndasvika ndigokuratidza zvokuita.” Sauro paakafuratira Samueri oenda zvake, Mwari akamupa mumwe mwoyo zviratidzo zvose izvi zvikabva zvaitika zuva iroro. Pavakasvika kuGibhea boka ravaporofita rakabvawo rasangana naye. Mweya waMwari wakabva wauyawo paari zvine simba guru kwazvo ndokubva ava kuporofita. Vose vaimbomuziva kare pavakamuona achiporofita kudaro navaporofita vakabvunzana vachiti, “Ko mwanakomana waKishi apindwa nei? Sauro avawo mumwe wavaporofita nhai?” Mumwewo murume weko akati, “Ko Baba vavo ndiani? Munoti iwo mweya wokuporofita unobva kunaaniko?” Ndokusaka kwakabva kwava netsumo yokuti, “Sauro avawo mumwe wavaporofita nhai?” Sauro paakapedza kuporofita akaenda kunzvimbo yepo yakatunhumara yokuteurira. Baba mudiki vaSauro vakabvunza iye Sauro nomuranda wake kuti, “Makanga muri kupiko?” Sauro ndokuti, “Takanga tichitsvaka madhongi. Asi patakaona kuti haasi kuwanikwa taashaya takazoenda kuna Samueri.” Baba mudiki vaSauro vakati, “Tipirewoka tinzwe zvamakaudzwa naSamueri?” Sauro akapindura baba mudiki wake achiti, “Akanyatsotizivisa pachena kuti madhongi akawanikwa.” Asi nenyaya yezvoumambo yaakanga audzwa naSamueri, hapana kana chaakavataurira.
Verenga chikamu 1 Samueri 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 10:1-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo