Isu takaona, uye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana, kuti ave Muponesi wenyika. Ani naani anopupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiye muna Mwari. Nesu takaziva, tikatenda rudo urwu Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo; anogara murudo, anogara muna Mwari, naMwari maari. Rudo rwakakwaniswa matiri pachinhu ichi, kuti tirege kutya nezuva rokutongwa; nokuti sezvaakaita iye, ndizvo zvatakaitawo panyika ino. Hakuna kutya murudo; asi rudo, rwakakwana, runodzinga kutya, nokuti kutya kunorohwa; munhu, anotya, haana kukwaniswa parudo. Isu tinoda, nokuti iye akatanga kutida.
Verenga chikamu 1 Johani 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Johani 4:14-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo