1 Johani 4
4
Mweya wechokwadi, nemweya yenhema
1Vadikanwi, musatenda mweya yose, asi muedze mweya, kuti muone kana yakabva kuna Mwari; nokuti vaporofita vazhinji venhema vakabudira munyika. 2Ndizvo zvamunoziva nazvo Mweya waMwari; Mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu akauya munyama, ndowaMwari. 3Mweya mumwe nomumwe usingapupuri Jesu, hauzi waMwari; iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kuti anouya; nazvino atova panyika.
4Vana vaduku, imi, muri vaMwari, makavakunda, nokuti uyo, ari mamuri, mukuru kuna iye, uri munyika. 5Ivo ndovenyika, naizvozvo vanotaura savenyika, nenyika inovanzwa. 6Isu tiri vaMwari; anoziva Mwari, anotinzwa; asiri waMwari, haatinzwi. Ndizvo zvatinoziva nazvo Mweya wechokwadi, nomweya wokutsauka.
Rudo rwose runobva kuna Mwari
7Vadikanwi, ngatidane; nokuti rudo runobva kuna Mwari; mumwe nomumwe, anoda, akaberekwa naMwari, anoziva Mwari. 8Asingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. 9Rudo rwaMwari rwakaratidzwa kwatiri nechinhu ichi, kuti Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa ari mumwechete, munyika, kuti tive noupenyu naye. 10Rudo ruri pachinhu ichi, kuti hatizisu takada Mwari, asi kuti ndiye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwezvivi zvedu.
11Vadikanwi, kana Mwari akatida saizvozvo, nesuo tinofanira kudana. 12Hakuna munhu akamboona Mwari; kana tichidana, Mwari anogara matiri, norudo rwake runokwaniswa matiri.
13Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti akatipa zvoMweya wake.
14Isu takaona, uye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana, kuti ave Muponesi wenyika. 15Ani naani anopupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiye muna Mwari. 16Nesu takaziva, tikatenda rudo urwu Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo; anogara murudo, anogara muna Mwari, naMwari maari.
17Rudo rwakakwaniswa matiri pachinhu ichi, kuti tirege kutya nezuva rokutongwa; nokuti sezvaakaita iye, ndizvo zvatakaitawo panyika ino. 18Hakuna kutya murudo; asi rudo, rwakakwana, runodzinga kutya, nokuti kutya kunorohwa; munhu, anotya, haana kukwaniswa parudo.
19Isu tinoda, nokuti iye akatanga kutida. 20Kana munhu achiti, ndinoda Mwari, achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti asingadi hama yake yaakaona, angada seiko Mwari, waasina kumuona? 21Iwoyu murayiro wakabva kwaari, tinawo, wokuti anoda Mwari, ngaadewo hama yake.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Johani 4: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002