Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Johani 4:14-19

1 Johani 4:14-19 SCLB

Isuwo takaona uye tinopupura kuti Baba vakatuma mwanakomana wavo somununuri wapasi. Munhu wose anopupura kuti Jesu Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari iye anogarawo muna Mwari. Saizvozvo tinoziva uye tinotenda murudo rwaMwari kwatiri. Mwari rudo; munhu anogara murudo anogarawo muna Mwari Mwariwo anoramba ainaye. Muna izvozvi, rudo runobva rwazadzikiswa zvokuperera matiri kuti tive neruvimbo pamusi wokutongwa, nokuti zvaari ndizvowo zvatiri pasi pano. Pane rudo hapana kutya uye rudo rwakaperera runodzinga kutya nokuti uyo anotya anenge achitya kurangwa. Munhu anotya kurangwa rudo rwake haruna kuperera. Isu tine rudo nokuti akatanga kutida.

Verenga chikamu 1 Johani 4

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe ne1 Johani 4:14-19