Vadikanwi, kana Mwari akatida saizvozvo, nesuo tinofanira kudana. Hakuna munhu akamboona Mwari; kana tichidana, Mwari anogara matiri, norudo rwake runokwaniswa matiri.
Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti akatipa zvoMweya wake.
Isu takaona, uye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana, kuti ave Muponesi wenyika. Ani naani anopupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiye muna Mwari. Nesu takaziva, tikatenda rudo urwu Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo; anogara murudo, anogara muna Mwari, naMwari maari.
Rudo rwakakwaniswa matiri pachinhu ichi, kuti tirege kutya nezuva rokutongwa; nokuti sezvaakaita iye, ndizvo zvatakaitawo panyika ino. Hakuna kutya murudo; asi rudo, rwakakwana, runodzinga kutya, nokuti kutya kunorohwa; munhu, anotya, haana kukwaniswa parudo.
Isu tinoda, nokuti iye akatanga kutida. Kana munhu achiti, ndinoda Mwari, achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti asingadi hama yake yaakaona, angada seiko Mwari, waasina kumuona? Iwoyu murayiro wakabva kwaari, tinawo, wokuti anoda Mwari, ngaadewo hama yake.