1 Johani 4:11-21
1 Johani 4:11-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shamwari dzinodikanwa, sezvo Mwari akatida zvakadai, isu tinofanirawo kudanana. Hakuna munhu akatongoona Mwari; asi kana tichidanana, Mwari anogara matiri, uye rudo rwake runokwaniswa matiri. Tinoziva kuti tinogara maari uye iye matiri, nokuti akatipa zvoMweya wake. Uye takaona uye tikapupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana wavo kuti ave Muponesi wenyika. Kana munhu akapupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari uye iye muna Mwari. Nokudaro tinoziva uye tinovimba norudo rwaMwari kwatiri. Mwari rudo. Ani naani anogara murudo anogara muna Mwari, uye Mwari maari. Naizvozvo, rudo runokwaniswa pakati pedu kuitira kuti tigova nokuvimba pazuva rokutongwa, nokuti munyika ino takafanana naye. Murudo hamuna kutya. Asi rudo rwakakwana runodzinga kutya, nokuti kutya kune chokuita nokurangwa. Munhu anotya haana kukwaniswa murudo. Tinomuda nokuti iye akatanga kutida. Kana munhu achiti, “Ndinoda Mwari,” asingadi hama yake, murevi wenhema. Nokuti ani naani asingadi hama yake yaakaona, haagoni kuda Mwari, waasina kumboona. Uye akatipa murayiro uyu: Ani naani anoda Mwari anofanirawo kuda hama yake.
1 Johani 4:11-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vadikanwi, kana Mwari akatida saizvozvo, nesuo tinofanira kudana. Hakuna munhu akamboona Mwari; kana tichidana, Mwari anogara matiri, norudo rwake runokwaniswa matiri. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti akatipa zvoMweya wake. Isu takaona, uye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana, kuti ave Muponesi wenyika. Ani naani anopupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiye muna Mwari. Nesu takaziva, tikatenda rudo urwu Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo; anogara murudo, anogara muna Mwari, naMwari maari. Rudo rwakakwaniswa matiri pachinhu ichi, kuti tirege kutya nezuva rokutongwa; nokuti sezvaakaita iye, ndizvo zvatakaitawo panyika ino. Hakuna kutya murudo; asi rudo, rwakakwana, runodzinga kutya, nokuti kutya kunorohwa; munhu, anotya, haana kukwaniswa parudo. Isu tinoda, nokuti iye akatanga kutida. Kana munhu achiti, ndinoda Mwari, achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti asingadi hama yake yaakaona, angada seiko Mwari, waasina kumuona? Iwoyu murayiro wakabva kwaari, tinawo, wokuti anoda Mwari, ngaadewo hama yake.
1 Johani 4:11-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vadikanwi, kana Mwari akatida zvakadai isuwo tinofanira kudanana. Hapana munhu ati amboona Mwari asi kana tichidanana, Mwari anogara matiri uye rudo rwake matiri runobva rwazadziswa zvokuperera. Zvatinoziva nazvo kuti tigere takabatana naMwari uye kuti Mwari agere abatana nesu ndezvizvi zvokuti iye akatipa Mweya wake. Isuwo takaona uye tinopupura kuti Baba vakatuma mwanakomana wavo somununuri wapasi. Munhu wose anopupura kuti Jesu Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari iye anogarawo muna Mwari. Saizvozvo tinoziva uye tinotenda murudo rwaMwari kwatiri. Mwari rudo; munhu anogara murudo anogarawo muna Mwari Mwariwo anoramba ainaye. Muna izvozvi, rudo runobva rwazadzikiswa zvokuperera matiri kuti tive neruvimbo pamusi wokutongwa, nokuti zvaari ndizvowo zvatiri pasi pano. Pane rudo hapana kutya uye rudo rwakaperera runodzinga kutya nokuti uyo anotya anenge achitya kurangwa. Munhu anotya kurangwa rudo rwake haruna kuperera. Isu tine rudo nokuti akatanga kutida. Kana munhu achiti anoda Mwari asi achivenga mumwe wake, munyepi nokuti asingadi mumwe wake waanoona, haangakwanisi kuda Mwari waasati amboona. Mutemo watinawo unobva kwaari ndouyu unoti: Munhu anoda Mwari anofanirawo kuda mumwe wake.
1 Johani 4:11-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋaɗikanwa, kana Mŋari akatiɗa saiɀoɀo, nesu ʋo tinofanira kuɗana. Hakunomunhu wakamboʋona Mŋari; kana ticiɗana, Mŋari unogara matiri, noruɗo rwake runokwaniswa matiri. Ndiɀo ɀatinoziʋa naɀo kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti wakatipa ɀoMŋeya wake, Isu takaʋona, ʋuye tinopupura kuti Ƃaɓa ʋakatuma Mŋanakomana, kuti aʋe Muponesi wenyika. Aninani unopupura kuti Jesu ndiye Mŋanakomana waMŋari, Mŋari unogara maari, naiye munaMŋari. Nesu takaziʋa, tikatenda ruɗo urwu, Mŋari rwaanarwo kwatiri. Mŋari ruɗo; unogara muruɗo, unogara munaMŋari, naMŋari maari. Ruɗo rwakakwaniswa matiri pacinhu ici, kuti tirege kutya nezuʋa rokutoŋgwa; nokuti seɀaakaita iye, ndiɀo ɀatakaita ʋo panyika ino. Hakunokutya muruɗo; asi ruɗo, rwakakwana, runodziŋga kutya, nokuti kutya kunorobga; munhu, unotya, haana‐kukwaniswa paruɗo. Isu tinoɗa, nokuti iye wakataŋga kutiɗa. Kana munhu aciti, ndinoɗa Mŋari, aciʋeŋga hama yake, mureʋi wenhema; nokuti usiŋgaɗi hama yake yaakaʋona, uŋgaɗa seiko Mŋari, waasina‐kumuʋona? Iwoyu murairo wakabva kwaari, tinawo, wokuti unoɗa Mŋari, ŋgaaɗe ʋo hama yake.
1 Johani 4:11-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)