Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 4:1-5

1 VaKorinde 4:1-5 SNA2002

Munhu upi noupi ngaatirangarire saizvozvo kuti tiri varanda vaKristu, vachengeti vezvakavanzika zvaMwari. Zvino, pazvinhu izvi, pavatariri panotsvakwa, kuti munhu awanikwe akatendeka. Zvino chinhu chiduku-duku kwandiri, kuti nditongwe nemi, kana nokutonga kwomunhu; handizvitongi ini ndimene. Nokuti handizivi mhosva yandinayo; asi handiruramiswi naizvozvo; asi anonditonga ndiye Ishe. Saka regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe auya, iye achabudisa pachena zvinhu zvakavanzika zverima, nokuratidza mifungo yomwoyo; ipapo munhu mumwe nomumwe acharumbidzwa naMwari.