Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 4:1-5

1 Vakorinde 4:1-5 SCLB

Saizvozvo munhu ngaatitore savaranda vaKristu, vatariri vezvakavanzika zvaMwari. Vataririwo vanotarisirwa kuti vave vanhu vakatendeka. Kwandiri ini chinhu chidukuduku kuti nditongwe nemi kana kutongwa nedare ripi zvaro ravanhu. Hapana chandinozvipa mhosva nacho. Hapana chandinonzwa chinondirovesa hana asi hazvirevi kuti handina mhosva. Anogona kunditonga chete ndiTenzi. Nokudaro regai kupa munhu mhosva nguva isati yasvika, Tenzi vasati vauya. Ndivo vachaburitsa pachena zvinhu zvakavandika murima iye zvino uye vachaburitsa pachena zvinangwa zviri mumwoyo. Ipapo munhu wose achapiwa kurumbidzwa kwake naMwari.