Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 2:9-16

1 VaKorinde 2:9-16 SNA2002

Asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Izvo zvisina kuonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, Nezvisina kupinda mumwoyo womunhu, Ndizvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda.” Nokuti Mwari akazviratidza izvo kwatiri isu naMweya; nokuti Mweya anonzvera zvose, nezvakadzika zvaMwari. Nokuti munhu ndoupiko anoziva zvomunhu, asi mweya womunhu uri maari? Saizvozvo hukuna munhu anoziva zvaMwari, asi Mweya waMwari. Zvino isu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kuna Mwari; kuti tizive izvo zvatakangopiwa hedu naMwari. Ndizvo zvatinotaurawo, tisingatauri namashoko atinodzidziswa nouchenjeri hwomunhu, asi anodzidziswa naMweya; tichidudzira zvinhu zvoMweya kuvanhu voMweya. Zvino munhu sezvaakaberekwa haagamuchiri zvinhu zvoMweya waMwari; nokuti upenzi kwaari; haazvinzwisisi, nokuti zvinonzwisiswa naMweya. Asi ari woMweya anonzwisisa zvose, asi iye amene haanzwisiswi nomunhu. Nokuti, “Ndianiko akaziva murangariro waIshe, kuti amudzidzise?” Asi isu tinomurangariro waKristu.

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe ne1 VaKorinde 2:9-16