1 VaKorinde 2:9-16
1 VaKorinde 2:9-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Hakuna ziso rakaona, hakuna nzeve yakanzwa; hakuna zvakapinda mumurangariro womunhu, zvakagadzirirwa naMwari vaya vanomuda.” Asi Mwari akazviratidza kwatiri isu noMweya wake. Mweya anonzvera zvinhu zvose, kunyange nezvakadzika zvaMwari. Nokuti ndianiko pakati pavanhu anoziva ndangariro dzomunhu kunze kwomweya womunhu uri mukati make? Saizvozvowo hakuna munhu anoziva ndangariro dzaMwari kunze kwoMweya waMwari. Hatina kugamuchira mweya wenyika ino asi Mweya unobva kuna Mwari; kuti tinzwisise zvatakapiwa naMwari pachena. Izvi ndizvo zvatinotaura, tisingatauri namashoko atinodzidziswa nouchenjeri hwavanhu, asi namashoko atinodzidziswa naMweya, tichidudzira zvokwadi zvomweya namashoko omweya. Munhu asina Mweya haangagamuchiri zvinhu zvinobva kuMweya waMwari, nokuti zvinonzwisisika nomweya. Munhu ari muMweya anonzwisisa zvinhu zvose, asi iye pachake haanganzwisiswi nomunhu: “Nokuti, ndianiko akaziva murangariro waShe kuti amudzidzise?” Asi isu tino murangariro waKristu.
1 VaKorinde 2:9-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Izvo zvisina kuonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, Nezvisina kupinda mumwoyo womunhu, Ndizvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda.” Nokuti Mwari akazviratidza izvo kwatiri isu naMweya; nokuti Mweya anonzvera zvose, nezvakadzika zvaMwari. Nokuti munhu ndoupiko anoziva zvomunhu, asi mweya womunhu uri maari? Saizvozvo hukuna munhu anoziva zvaMwari, asi Mweya waMwari. Zvino isu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kuna Mwari; kuti tizive izvo zvatakangopiwa hedu naMwari. Ndizvo zvatinotaurawo, tisingatauri namashoko atinodzidziswa nouchenjeri hwomunhu, asi anodzidziswa naMweya; tichidudzira zvinhu zvoMweya kuvanhu voMweya. Zvino munhu sezvaakaberekwa haagamuchiri zvinhu zvoMweya waMwari; nokuti upenzi kwaari; haazvinzwisisi, nokuti zvinonzwisiswa naMweya. Asi ari woMweya anonzwisisa zvose, asi iye amene haanzwisiswi nomunhu. Nokuti, “Ndianiko akaziva murangariro waIshe, kuti amudzidzise?” Asi isu tinomurangariro waKristu.
1 VaKorinde 2:9-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi sokunyorwa kwazvakaitwa zvinonzi, “Mwari zvaakagadzirira vanomuda hapana ziso rati razviona kana nzeve yati yazvinzwa kana munhu ati ambozviisa mupfungwa. Izvozvo ndizvo zvaakatizivisa nokuna Mweya, nokuti Mweya anotsvagurudza zvose kunyange zvinhu zvoudzamu hwaMwari. Ndiani angazive zviri mupfungwa dzomunhu kusiya mweya womunhu iyeyo uri maari. Saizvozvowo hapana angazive pfungwa dzaMwari kusiya Mweya waMwari. Zvino hatina kugamuchira mweya wapanyika asi Mweya anobva kuna Mwari kuti tizive zvipo zvatinopiwa pachena naMwari.” Hatitauri izvi namazwi atinodzidziswa noungwaru hwavanhu asi atinodzidziswa naMweya tichitsanangura zvinhu zvechokwadi zvomweya kuna avo vana Mweya. Munhu asina Mweya haakwanisi kugamuchira zvipo zvaMweya Mutsvene waMwari nokuti ndezvoupenzi kwaari, uye haagoni kuzvinzwisisa nokuti zvinogona kunzwisiswa nomunhu ana Mweya. Munhu anaMweya anogona kunzwisisa zvose sezvazviri asi iye hapana anogona kumunzwisisa zvaari. Sokutaura kunoita Magwaro Matsvene anoti, “Ndiani angazive pfungwa dzaTenzi zvokuti angamudzidzise? Asi isu pfungwa dzaKristu tinadzo.”
1 VaKorinde 2:9-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Iɀo ɀisina‐kuʋonekwa neziso, kana kunzwika nenzeʋe, Neɀisina‐kupinda mumŋoyo womunhu, Ndiɀo Mŋari ɀaakagadzirira ʋanomuɗa. Nokuti Mŋari wakaɀiratidza iɀo kwatiri isu noMŋeya; nokuti Mŋeya unonɀera ɀose, neɀakadzika ɀaMŋari. Nokuti munhu ndoupiko unoziʋa ɀomunhu, asi mŋeya womunhu uri maari? Saiɀoɀo hakunomunhu unoziʋa ɀaMŋari, asi Mŋeya waMŋari. Ɀino isu hatina‐kugamucira mŋeya wenyika, asi Mŋeya unobva kunaMŋari; kuti tiziʋe iɀo ɀatakaŋgopiwa heɗu naMŋari. Ndiɀo ɀatinotaura ʋo, tisiŋgatauri namashoko atinodzidziswa noʋucenjeri bgomunhu, asi anodzidziswa noMŋeya; ticiɗudzira ɀinhu ɀoMŋeya kuʋanhu ʋoMŋeya. Ɀino munhu seɀaakaɓerekwa haagamuciri ɀinhu ɀoMŋeya waMŋari; nokuti ʋupenzi kwaari; haaɀinzwisisi, nokuti ɀinonzwisiswa noMŋeya. Asi uri woMŋeya unonzwisisa ɀose, asi iye amene haanzwisiswi nomunhu. Nokuti ndianiko wakaziʋa muraŋgariro waShe, kuti amudzidzise? Asi isu tinomuraŋgariro waKristu.
1 VaKorinde 2:9-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)