Nokuti muviri hauzi mutezo mumwe, asi mizhinji. Kana rutsoka rukati, “Zvandisati ndiri ruoko, handizi womuviri;” ko haruzi rwomuviri, zvarwadaro here? Nenzeve kana ikati, “Zvandisati ndiri ziso, handizi womuviri;” ko haizi yomuviri here? Kana muviri wose raiva ziso, kunzwa kwaivepiko? Kana wose kwaiva kunzwa, kunhuwidza kwaivepiko? Asi zvino Mwari akaisa mutezo mumwe nomumwe pamuviri sezvaakada. Kana yose waiva mutezo mumwe, muviri waivepiko? Asi zvino kune mitezo mizhinji, asi muviri mumwe. Ziso haringati kuruoko, “Handikudi,” kana musorowo kutsoka, “Handikudiyi imi.” Kwete, zvikuru mitezo iyo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa, nemitezo iyo yomuviri yatinoti haikudzwi, ndiyo yatinokudza kwazvo; nemitezo iyo yedu isina kunaka, ndiyo yova nokunaka kunopfuurisa; asi mitezo yedu yakanaka, haishaiwi kukudzwa. Asi Mwari akabatanidza muviri wose, akakudza nokupfuurisa mitezo inoshayiwa kunaka; kuti pamuviri parege kuva nokupesana; asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana. Kana mutezo mumwe uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwechete nawo; kana mutezo mumwe uchikudzwa, mitezo yose inofara pamwechete nawo. Zvino, imi muri muviri waKristu, nomumwe nomumwe mitezo yawo.
Verenga chikamu 1 VaKorinde 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaKorinde 12:14-27
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo