Muviri hausi mutezo mumwechete asi mizhinji. Dai kuri kuti tsoka inoti nokuti handisi ruoko, saka handisi womuviri; hazviiti kuti isave yomuviri. Dai kuri kutiwo nzeve inoti nokuti handisi ziso, handisi womuviri; hazviiti kuti isave yomuviri. Dai muviri wose waingova ziso roga kunzwa, waizonzwa nei? Dai muviri wose waingova nzeve yoga kunhuwidza, waizonhuwidza nei? Asi sezvazviri, iye zvino, Mwari akaronganisa mitezo yomuviri, mumwe nomumwe wayo sokuda kwake. Dai kuri kuti muviri wose waingova mutezo mumwechete, muviri waizova papi. Sezvazviri, iye zvino, kune mitezo yakawanda asi muviri uri mumwechete. Ziso harigoni kuti kuruoko, “Handina basa newe;” kanawo musoro kuti uti kumakumbo, “Handina basa nemi.” Asi zvinotovapo ndezvizvi zvokuti mitezo yomuviri inoita seisina kusimba ndiyo isingafaniri kushaika. Uye, mitezo yomuviri yatinoona seisingakudzikani, ndiyo yatinonyatsoremekedza. Mitezo inonyadzisa inoremekedzwa zvakatoti, zvisingadiwe nemitezo yedu isinganyadzisi. Asi Mwari akanyatsogadzira muviri, achipa rukudzo kune mutezo usina basa guru; izvi kuri kuti parege kuva nokupesana mumuviri asi kuti mitezo ienzane pakuchengetana. Kana mumwe mutezo ukarwadziwa yose inorwadziwa pamwechete. Kana mumwe mutezo ukakudzwa yose inofara pamwechete. Zvino imi ndimi muviri waKristu uye mumwe nomumwe wenyu mutezo womuviri iwoyo.
Verenga chikamu 1 Vakorinde 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Vakorinde 12:14-27
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo