Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Makoronike 20

20
1Zvino gore rakati rapera, panguva yokurwa kwamadzimambo, Joabhu akaenda nehondo ine simba, akaparadza nyika yavana vaAmoni, akandokomba Rabha. Asi Dhavhidhi akasara Jerusaremu. Joabhu akakunda Rabha, akariputsa. 2Dhavhidhi akabvisa korona yamambo wavo pamusoro wake, akawana kuti inosvika tarenda rimwe rendarama pakurema kwayo, uye yakanga ina mabwe anokosha ikaiswa pamusoro waDhavhidhi; akapamba zvizhinji kwazvo paguta iro. 3Akabudisawo vanhu vakanga varimo, akavacheka namajeko, nembambo dzamatare, uye namasanhu. Dhavhidhi akaita saizvozvo namaguta ose avana vaAmoni. Dhavhidhi navanhu vose vakadzokera Jerusaremu.
Dhavhidhi anokunda vaFirisitia
4Zvino shure kwaizvozvo kurwa kukazomuka paGezeri navaFirisitia; Shibhekai muHushati, akauraya Sipai, mumwe wavanakomana vaRafa.
5Vakarwazve navaFirisitia; Erihanani mwanakomana waJairi akauraya Rami munun'una waGoriati muGiti, rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakafanana nedanda romuruki.
6Vakarwazve paGati, pakanga pano munhu murefu kwazvo, akanga ane minwe nezvigunwe zvose zvina makumi maviri nezvina, mitanhatu paruoko rumwe norumwe, nezvitanhatu parutsoka rumwe norumwe; naiyewo akanga akaberekerwa Rafa. 7Zvino akati achishora vaIsiraeri, Jonatani mwanakomana waShimea, munun'una waDhavhidhi akamuuraya. 8Ndivo vakaberekerwa Rafa paGati; vakaurawa naDhavhidhi, uye navaranda vake.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Makoronike 20: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda