Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Makoronike 21

21
Dhavhidhi anoverenga vaIsiraeri, vanhu ndokurohwa nedenda
1Zvino Satani akamukira vaIsiraeri, akakurudzira Dhavhidhi kuti averenge vaIsiraeri. 2Dhavhidhi akati kuna Joabhu nokumachinda avanhu, “Endai mundoverenga vaIsiraeri kubva paBheerishebha kusvikira paDhani; mudzoke neshoko, ndizive kuwanda kwavo.”
3Joabhu akati, “Jehovha ngaawedzere vanhu vake runezana pakuwanda kwavo zvino; asi ishe wangu mambo, vose havazi varanda vashe wangu here? Ishe wangu anotsvakireiko chinhu ichi? Achapinzireiko vaIsiraeri pamhosva?”
4Kunyange zvakadaro shoko ramambo rakakurira Joabhu. Zvino Joabhu akaenda, akapota pakati pavaIsiraeri vose, akasvika Jerusaremu. 5Joabhu akarondedzera kuwanda kwavanhu kuna Dhavhidhi. VaIsiraeri vose vakasvika zviuru zvinezviuru nezviuru zvinezana zvavanhu vaigona kurwa nomunondo; uye vaJudha vakasvika zviuru zvamazana mana namakumi manomwe vaigona kurwa nomunondo.
6Asi haana kuverenga vaRevhi navaBhenjamini pakati pavo; nokuti shoko ramambo rakanga rakaipa kwazvo kuna Joabhu. 7Zvino Mwari akanga asingafari nechinhu ichi; saka akarova Isiraeri.
8Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Ndatadza kwazvo zvandaita chinhu ichi; asi zvino bvisai henyu kuipa kwomuranda wenyu; nokuti ndaita sebenzi kwazvo.”
9Jehovha akataura naGadhi, muoni waDhavhidhi, akati, 10“Enda unotaura naDhavhidhi, uti, zvanzi naJehovha, ‘Ndinokuisira zvinhu zvitatu, chizvitsaurira chimwe chazvo, ndikuitire icho.’ ” 11Zvino Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi, akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Chitsaura chaunoda; 12makore matatu enzara, kana kuparadzwa navavengi vako mwedzi mitatu, uchidzingwa nomunondo wavavengi vako, kana munondo waJehovha mazuva matatu, ndiro denda panyika, mutumwa waJehovha achiparadza panyika yose yaIsiraeri.’ Zvino chifunga hako, urangarire mhinduro yandingadzosera kuna iye akandituma.”
13Ipapo Dhavhidhi akati kuna Gadhi, “Ndiri pakumanikidzwa kukuru; ndiwire hangu zvino muruoko rwaJehovha, nokuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege hangu kuwira muruoko rwomunhu.”
14Ipapo Jehovha akatuma denda pakati paIsiraeri; varume vane zviuru zvina makumi manomwe vakafa pakati paIsiraeri. 15Mwari akatuma mutumwa Jerusaremu kuzoriparadza; zvino wakati oda kuparadza, Jehovha akatarira, akazvidemba pamusoro pechinhu icho chakaipa, akati kumutumwa akanga achiparadza, “Ndizvo, chidzosa ruoko rwako.” Zvino mutumwa waJehovha akanga amire paburiro raOrinani muJebhusi.
16Dhavhidhi akatarira, akaona mutumwa waJehovha amire pakati penyika nokudenga, akabata munondo wakavhomorwa muruoko rwake, wakatambanudzwa pamusoro peJerusaremu. Ipapo Dhavhidhi navakuru vakawira pasi nezviso zvavo, vakafuka saga. 17Zvino Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Ko handizi ini here ndakaraira kuti vanhu vaverengwe? Ndini ndakatadza hangu ndikaita zvakaipa zvikuru; asi makwai awa akaiteiko? Jehovha Mwari wangu, ruoko rwenyu ngarundirove harwo ini neimba yababa vangu; asi ngarurege kurova vanhu venyu, nokuvatambudza.”
18Ipapo mutumwa waJehovha akaraira Gadhi kuti audze Dhavhidhi kuti Dhavhidhi akwire avakire Jehovha aritari paburiro raOrinani muJebhusi. 19Dhavhidhi akakwira nokureva kwaGadhi kwaakataura nezita raJehovha. 20Orinani akacheuka, akaona mutumwa; vanakomana vake vana, vaiva naye, vakavanda. Zvino Orinani wakanga achipura zviyo. 21Dhavhidhi akati achisvika kuna Orinani, Orinani akatarira akaona Dhavhidhi, akabuda paburiro, akakotamira pasi nechiso chake pamberi paDhavhidhi.
22Ipapo Dhavhidhi akati kuna Orinani, “Ndipe nzvimbo yeburiro iri, kuti ndivakirepo aritari kuna Jehovha; unofanira kundipa iro nditenge nomutengo wakafanira, kuti denda ripere pakati pavanhu.”
23Ipapo Orinani akati kuna Dhavhidhi, “Ritorei henyu, ishe wangu, mambo aite sezvaanoda; tarirai, ndinokupai nzombe zvive zvipiriso zvinopiswa, nenhumbi dzokupura nadzo dzive huni, nezviyo chive chipiriso choupfu; ndinozvipa zvose.”
24Mambo Dhavhidhi akati kuna Orinani, “Kwete, asi zvirokwazvo ndicharitenga nomutengo wakafanira; nokuti handingatori chinhu chako ndikapa Jehovha, kana kuuya nechipiriso chinopiswa chisina mutengo.” 25Naizvozvo Dhavhidhi akapa Orinani mashekeri ana mazana matanhatu endarama pakurema kwawo, uri mutengo wenzvimbo iyo. 26Dhavhidhi akavakira Jehovha aritari ipapo, akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, akashumira Jehovha; iye akamupindura nomoto wakabva kudenga ukawira paaritari yechipiriso chinopiswa. 27Jehovha akaraira mutumwa, iye akadzoserazve munondo wake mumuhara wawo.
28Zvino nenguva iyo Dhavhidhi akati aona kuti Jehovha amupindura paburiro raOrinani muJebhusi, akabayirapo. 29Nokuti panguva iyo tabhenekari yaJehovha, yakanga yavakwa naMosesi murenje, nearitari yokupisira zvipiriso, zvakanga zviri padunhu rakakwirira paGibheoni. 30Asi Dhavhidhi akanga asingagoni kuendako kuzobvunza Mwari pamberi payo; nokuti akanga achitya nemhaka yomunondo womutumwa waJehovha.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Makoronike 21: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda