Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Makoronike 19

19
Dhavhidhi anokunda vaAmoni navaSiria
1Shure kwaizvozvo mambo wavana vaAmoni akafa, mwanakomana wake akabata ushe panzvimbo yake. 2Zvino Dhavhidhi akati, “Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi zvakanaka, sezvandakaitirwa zvakanaka nababa vake.” Naizvozvo Dhavhidhi akatuma nhume kumubata ruoko pamusoro pababa vake. Varanda vaDhavhidhi vakasvika panyika yavana vaAmoni kuna Hanuni, kuzomubata ruoko. 3Asi machinda avana vaAmoni akati kuna Hanuni ishe wavo, “Munofunga kuti Dhavhidhi anoda kukudza baba venyu, zvaatuma vabati voruoko kwamuri here? Varanda vake havana kuuya kwamuri kunzvera, nokuputsa, nokushora nyika here?”
4Naizvozvo Hanuni akabata varanda vaDhavhidhi, akaveura ndebvu dzavo, akagura nguo dzavo napakati kusvikira pamagaro avo, akavadzinga. 5Zvino vamwe vakandoudza Dhavhidhi zvakanga zvaitirwa varume. Akatuma vanhu kusangana navo, nokuti varume vakanga vachinyara kwazvo. Mambo akati, “Garai henyu Jeriko kusvikira ndebvu dzenyu dzamerazve, mugodzoka henyu.”
6Zvino vana vaAmoni vakati vachiona kuti vazvivengesa naDhavhidhi, Hanuni navana vaAmoni vakatuma matarenda esirivha ane chiuru chimwe kuzoripa ngoro navatasvi vamabhiza vanobva Mesopotamia, neArimimaaka, neZobha. 7Naizvozvo vakaripira ngoro dzine zviuru zvina makumi matatu nezviviri, namambo weMaaka navanhu vake; ivo vakasvika vakadzika matende avo pamberi peMedhebha. Vana vaAmoni vakaungana vachibva kumaguta avo, vakauya kuzorwa.
8Zvino Dhavhidhi akati achizvinzwa, akatuma Joabhu nehondo yose yavarume vane simba. 9Vana vaAmoni vakabuda, vakagadzira hondo pavanopinda napo pasuo; asi madzimambo, akanga auya, aiva pachawo oga pasango.
10Zvino Joabhu akati achiona kuti wovavarirwa mberi neshure, akatsaura vamwe kunavakatsaurwa vose vaIsiraeri, akavagadzira kuti varwe navaSiria. 11Vamwe vanhu, vakasara, akavaisa kuna Abhishai, munun'una wake, vakazvigadzira kuti varwe navana vaAmoni. 12Akati, “Kana vaSiria vakandikurira ini, iwe unofanira kundibatsira; asi kana vana vaAmoni vakakukurira iwe, ini ndichauya kukubatsira.
13“Tsunga mwoyo, tirwire vanhu vedu namaguta aMwari wedu savarume; naJehovha ngaaite sezvaanoda.” 14Naizvozvo Joabhu navanhu vaakanga anavo vakaswedera kuzorwa navaSiria, ivo vakatiza pamberi pake. 15Zvino vana vaAmoni vakati vachionawo kuti vaSiria vatiza, naivo vakatizawo saizvozvo pamberi paAbhishai, vakapinda muguta. Ipapo Joabhu akaenda Jerusaremu.
16Zvino vaSiria vakati vachiona kuti vakundwa navaIsiraeri, vakatuma nhume, vakadana vaSiria vakanga vari mhiri kwoRwizi, vakatungamirirwa naShofaki mukuru wehondo yaHadharezeri. 17Dhavhidhi akaudzwa izvozvo; akaunganidza vaIsiraeri vose, vakayambuka Jorodhani, vakasvika kwavari, akazvigadzira kuzorwa navo. Zvino Dhavhidhi akati azvigadzira kuzorwa navaSiria, ivo vakarwa naye. 18VaSiria vakatiza pamberi pavaIsiraeri; Dhavhidhi akauraya pakati pavaSiria varume vengoro dzine zviuru zvinomwe, navaifamba namakumbo vane zviuru zvina makumi mana, akaurayawo Shofaki mukuru wehondo.
19Zvino varanda vaHadharezeri vakati vachiona kuti vakundwa naIsiraeri vakayanana naDhavhidhi, vakamushumira; vaSiria vakazoramba kubatsira vana vaAmoni.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Makoronike 19: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda