1 Makoronike 12
12
Mazita avamwe vaitevera Dhavhidhi
1Ava ndivo vakaenda kuna Dhavhidhi paZikiragi, achakavanda nokuda kwaSauro mwanakomana waKishi; ivo vaiva mhare, vaimubatsira pakurwa. 2Vakanga vakabata uta, uye vaigona kuposha mabwe, nemiseve nouta noruoko rworudyi kana rworuboshwewo; dzaiva hama dzaSauro vokwaBhanjamini. 3Mukuru akanga ari Ahiezeri, tevere Joashi, vanakomana vaShemaa muGibheati; naJezieri, naPereti, vanakomana vaAzimavheti; naBheraka, naJehu muAnatoti; 4naIshimaya muGibheoni, mhare pakati pavana makumi matatu, wairaira vana makumi matatu; naJeremiya, naJahazieri, naJohanani, naJozabhadhi muGedherati; 5naEruzai, naJerimoti, naBheriya, naShemaria, naShefatia muHarufi; 6naErikana, naIshiya, naAzareri, naJoezeri, naJoshobheami, vaKora; 7naJoera, naZebhedhia vanakomana vaJehorami muGedhori.
8Vamwe vavaGadhi vakazvitsaurawo, vakaenda kuna Dhavhidhi kunhare kurenje, varume vane simba noumhare, varume vakanga vadzidza kurwa, vakanga vachigona kubata nhoo nepfumo; zviso zvavo zvakanga zvakaita sezveshumba, uye vaimhanya semharapara pamakomo; 9Ezeri akanga ari mukuru, wechipiri Obhadhiya, wechitatu Eriabhi; 10wechina Misimana, weshanu Jeremiya; 11wetanhatu Atai, wechinomwe Erieri; 12worusere Johanani, wepfumbamwe Erizabhadhi; 13wegumi Jeremiya; wegumi nomumwe Makibhanai.
14Ndivo kuvana vaGadhi vaiva vakuru vehondo; muduku kwavari akanga akaenzana navane zana, nomukuru navane chiuru chezana. 15Ndivo vakayambuka Jorodhani pamwedzi wokutanga, panguva yarwakafashamira kunhivi dzarwo dzose; vakadzinga vose vakanga vagere pamipata, kumabvazuva nokumavirira. 16Navamwe vana vaBhenjamini navaJudha vakaendawo kuna Dhavhidhi munhare. 17Dhavhidhi akabuda akasangana navo, akapindura, akati kwavari, “Kana mauya kwandiri norugare kuzondibatsira, mwoyo wangu uchava nemi; asi kana mauya kuzondinyengera, kundiisa kuvadzivisi vangu, kunyange ndisine zvakaipa pamaoko angu, Mwari wamadzibaba edu ngaazvione, akutukei pamusoro pazvo.” 18Ipapo mweya wakauya pamusuro paAmasai aiva mukuru wavana makumi matatu, akati, “Tiri vanhu venyu, Dhavhidhi, tiri kurutivi rwenyu, mwanakomana waJese! Rugare, rugare ngaruve nemi, rugare ngaruve navabatsiri venyu; nokuti Mwari wenyu anokubatsirai.” Ipapo Dhavhidhi akavagamuchira, akavaita vakuru veboka. 19KwaManasewo vakabva vamwe, vakaenda kuna Dhavhidhi, nguva yaakaenda navaFirisitia kundorwa naSauro, asi havana kuvabatsira; nokuti madzishe avaFirisitia akarangana, akamudzosa, achiti, “Achatinyengera, achienda kunatenzi wake Sauro, misoro yedu ikava panjodzi.” 20Zvino wakati achienda Zikiragi, vamwe vaManase vakabva, vakasvika kwaari, vaiti, Adhana, naJozabhadhi, naJedhiaeri, naMikaeri, naJozabhadhi, naErihu, naZiretai, vakanga vari vakuru vechiuru chamazana pakati paManase. 21Vakabatsira Dhavhidhi pakurwa neboka ramakororo; nokuti vose vakanga vari varume vane simba noumhare, navakuru pahondo. 22Zuva rimwe nerimwe vakasvika kuna Dhavhidhi kuzomubatsira, kusvikira yava hondo huru, sehondo yaMwari.
23Ndiko kuwanda kwavakuru vakashongera kurwa, vakaenda kuna Dhavhidhi paHebhuroni, kuzodzosera ushe hwaSauro kwaari, sezvakarehwa naJehovha. 24Vana vaJudha, vakanga vakashonga nhoo nepfumo, vaiva nezviuru zvitanhatu namazana masere, vakanga vakashongera kurwa. 25Kuvana vaSimeoni varume vane simba noumhare pakurwa vaiva nezviuru zvinomwe nezana rimwe.
26Kuvana vaRevhi vaiva nezviuru zvina namazana matanhatu. 27Jehoyadha aiva mutungamiriri weimba yaAroni; vakanga vanaye vaiva nezviuru zvitatu namazana manomwe; 28naZadhoki, jaya raiva nesimba noumhare, naveimba yababa vake, vakuru vana makumi maviri navaviri. 29Kuvana vaBhenjamini, hama dzaSauro, zviuru zvitatu; nokuti kusvikira panguva iyo vazhinji vavo vakaramba vakanamatira imba yaSauro. 30Kuvana vaEfuraimu zviuru zvina makumi maviri namazana masere, varume vane simba noumhare, vakanga vane mbiri padzimba dzamadzibaba avo.
31Kuhafu yorudzi rwaManase, zviuru zvine gumi nezvisere, vakanga vakanyorwa mazita avo, vakasvika kuzoita Dhavhidhi mambo. 32Kuvana vaIsakari, varume vaiziva nguva zvakanaka, uye kuti vaIsiraeri vanofanira kuitei, vakuru vavo vaiva mazana maviri; hama dzavo dzose dzairairwa navo. 33KuvaZebhuruni, avo vaigona kufamba namapoka, nokugona kurongedza hondo, vakabata nhumbi dzose dzokurwa nadzo, vaiva nezviuru zvina makumi mashanu; vaigona kurwa vasine mwoyo miviri. 34KuvaNafutari vakuru vane chiuru chimwe, uye vamwe vakanga vakabata nhoo nepfumo vaiva navo, zviuru zvina makumi matatu nezvinomwe. 35KuvaDhani vaigona kurongedza hondo, zviuru zvina makumi maviri nezvisere namazana matanhatu. 36KuvaAsheri, avo vaigona kufamba namapoka, nokugona kurongedza hondo, zviuru zvina makumi mana.
37Uye mhiri kwaJorodhani, kuvaRubheni navaGadhi nehafu yorudzi rwaManase, avo vaiva nenhumbi dzose dzokurwa nadzo, zviuru zvina makumi maviri.
38Ava vose, varume vehondo, vaigona kurongedza hondo, vakasvika paHebhuroni nemwoyo yakarurama kwazvo, kuzoita Dhavhidhi mambo wavaIsiraeri vose; navaIsiraeri vamwe vose vakanga vano mwoyo mumwe kuita Dhavhidhi mambo. 39Vakagarapo naDhavhidhi mazuva matatu, vakadya nokunwa, nokuti hama dzavo dzakanga dzavagadzirira. 40Uye vamwe vakanga vagere pedyo navo kusvikira kwaIsakari naZebhuruni naNafutari, vakauya nezvokudya zvakatakurwa nembongoro, namakamera, namahesera, nenzombe, zviri zvokudya zvoupfu, namapundu amaonde, anamasumbu amadzambiringa akaoma, newaini, namafuta, nenzombe, namakwai mazhinji; nokuti mufaro wakanga uripo pakati paIsiraeri.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Makoronike 12: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002