Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Makoronike 11

11
Dhavhidhi anogadzwa mambo paHebhuroni, anokunda vaJebhusi
1Zvino vaIsiraeri vose vakaungana kuna Dhavhidhi paHebhuroni, vakati, “Tarirai, isu tiri mapfupa enyu nenyama yenyu. 2Kare, kunyange Sauro akanga ari mambo, ndimi maibuda nokupinda naIsiraeri; Jehovha Mwari wenyu akati kwamuri, ‘Iwe uchafudza vanhu vangu vaIsiraeri, nokuva mutungamiriri waIsiraeri.’ ” 3Naizvozvo vakuru vose vaIsiraeri vakaenda kuna mambo paHebhuroni, Dhavhidhi akaita sungano paHebhuroni pamberi paJehovha; ivo vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo waIsiraeri, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waSamueri.
4Dhavhidhi navaIsiraeri vose vakakwira Jerusaremu (ndiro Jebhusi); zvino vaJebhusi, vanhu venyika iyo, vakanga varipo. 5Ipapo vanhu vaigara paJebhusi vakati kuna Dhavhidhi, “Haungapindi pano.” Asi Dhavhidhi akakunda nhare yaZioni; ndiro guta raDhavhidhi. 6Ipapo Dhavhidhi akati, “Anotanga kubaya vaJebhusi ndiye achava mutungamiriri nomukuru wehondo.” Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kukwira, akaitwa mutungamiriri wehondo. 7Dhavhidhi akagara panhare; naizvozvo vakaritumidza zita rinonzi guta raDhavhidhi. 8Akavaka guta kumativi ose, kubva paMiro kusvikira kumativi ose; Joabhu akagadzira zvimwe zveguta. 9Dhavhidhi akaramba achikura, nokuti Jehovha wehondo aiva naye.
Machinda aDhavhidhi
10Zvino ndivo vakuru vavarume vane simba vaiva naDhavhidhi, vaimusimbisa paushe hwake, pamwechete navaIsiraeri vose, kuti vamugadze ave mambo, sezvakarehwa naJehovha pamusoro paIsiraeri.
11Ndiko kuwanda kwavarume vane simba vaiva naDhavhidhi: Joshobheami mwanakomana wokuHakimoni, mukuru wavana makumi matatu; iye akasimudza pfumo rake akarwa navana mazana matatu, akavauraya nenguva imwe. 12Akamutevera akanga ari Eriazari, mwanakomana waDhodho muAhohi, mumwe wavarume vatatu vaiva nesimba. 13Iye akanga ana Dhavhidhi paPasidhamini; vaFirisitia vakanga vaunganapo kuzorwa pabindu rakanga rizere nebhari; vanhu vakatiza pamberi pavaFirisitia. 14Vakamira pakati pebindu, vakarirwira, vakauraya vaFirisitia, Jehovha akavarwira nokukunda kukuru.
15Zvino vatatu vavakuru vavana makumi matatu vakaburukira kudombo kuna Dhavhidhi kubako reAdhuramu; zvino hondo yavaFirisitia yakanga yadzika matende pamupata weRefaimu. 16Zvino nenguva iyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye boka ravarwi vavaFirisitia raiva paBheterehemu nenguva iyo. 17Dhavhidhi akapanga, akati, “Haiwa! Dai mumwe achindipa mvura yetsime reBheterehemu, riri pasuo, ndinwe!” 18Ipapo mhare idzo nhatu dzakapasanura napakati pehondo yavaFirisitia, vakandoteka mvura patsime reBheterehemu, riri pasuo, vakaitora, vakauya nayo kuna Dhavhidhi; asi Dhavhidhi wakaramba kuinwa, akaidururira kuna Jehovha, 19akati, “Mwari wangu ngaandidzivise, ndirege kuita chinhu ichi! Ndinganwa ropa ravarume ava vakaenda vasingarangariri upenyu hwavo here? Nokuti vakauya nayo vasingarangariri upenyu hwavo.” Naizvozvo akaramba kuinwa. Ndizvo zvakaitwa nemhare idzo nhatu.
20Abhishai munun'una waJoabhu, ndiye akanga ari mukuru wavatatu avo, nokuti akasimudza pfumo rake akarwa navana mazana matatu, akavauraya; akava nomukurumbira pakati pavatatu avo. 21Pakati pavatatu ndiye wakanga ane mbiri kukunda vamwe vaviri, akava mukuru wavo; asi haana kuenzana navatatu vokutanga.
22Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare weKabhizeeri, akanga aita mabasa makuru, iye akauraya vanakomana vaviri vaArieri waMoabhi, akandourayawo shumba mukati mehunza panguva yechando. 23Akaurayawo muIjipiti, murume akanga akakura kwazvo akasvika makubhiti mashanu; muIjipiti uyu akanga akabata pfumo muruoko rwake, asi iye akaburukira kwaari akabata tsvimbo, akabvuta pfumo muruoko rwomuIjipiti, akamuuraya nepfumo rake iro. 24Zvinhu izvi zvakaitwa naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, akanga akakurumbira pakati pemhare idzo nhatu. 25Tarirai, iye akanga ane mbiri kukunda vana makumi matatu, asi haana kuenzana navatatu vokutanga. Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake.
26Mhare dzehondo dzaiva: Ashaheri munun'una waJoabhu, naErihanani mwanakomana waDhodho weBheterehemu; 27naShamoti muHarodhi, naHerezi muPeroni; 28naIra mwanakomana waIkeshi muTekoite, naAbhiezeri muAnatoti; 29naSibekai muHushati, naIrai muAhohi; 30naMakarai muNetofati, naHeredhi mwanakomana waBhaana muNetofati; 31naItai mwanakomana waRibhai weGibhea wavana vaBhenjamini, naBhenaya muPiratoni; 32naHurai wehova dzeGaashi, naAbhieri muAribhati; 33naAzimavheti muBhaharumiti, naEriabha muShaaribhoni; 34navanakomana vaHashemi muGizoni, naJonatani mwanakomana waShage muHarari, 35naAhiami mwanakomana waSakari muHarari, naErifari mwanakomana waUri; 36naHeferi muMekerati, naAhiya muPeroni; 37naHezero muKarimeri, naNaarai mwanakomana waEzibha; 38naJoeri munun'una waNatani, naMibhari mwanakomana waHagiri; 39naZereki muAmoni, naNaharai muBheroti, mubati wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya; 40naIra muItiri, naGarebhi muItiri; 41naUriya muHiti, naZabhadhi mwanakomana waArai; 42naAdhina mwanakomana waShiza muRubheni, mukuru wavaRubheni, navana makumi matatu naye; 43naHanani mwanakomana waMaaka, naJoshafati muMitini; 44naUziya muAshiterati, naShama naJeyieri vanakomana vaHotami muAroeri; 45naJedhiaeri mwanakomana waShimiri, naJoha munun'una wake, muTizi; 46naErieri muMahavhi, naJeribhai, naJoshavhia, vanakomana vaErinaami, naItima muMoabhu; 47naErieri, naObhedhi, naJaasieri muMezobha.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Makoronike 11: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda