1 Makoronike 13
13
Areka inobviswa paKiriatijearimi ndokuiswa kuna ObhedhiEdhomu
1Zvino Dhavhidhi akarangana navakuru vechiuru chamazana navamazana, navatungamiriri vose,
2Dhavhidhi akati kuungano yose yaIsiraeri, “Kana imi muchiti zvakanaka, uye kana zvichibva kuna Jehovha Mwari wedu, ngatitume shoko kwose kuhama dzedu dzakasara munyika yose yaIsiraeri, nokuvapristi navaRevhi vari mumaguta avo anamafuro, kuti vaungane nesu; 3tidzoserezve areka yaMwari wedu kwatiri, nokuti hatina kuirangarira pamazuva aSauro.” 4Ungano yose ikatenda kuzviita; nokuti vanhu vose vakati zvakanaka. 5Zvino Dhavhidhi akaunganidza vaIsiraeri vose, kubva paShihori irwo rukova rweIjipiti, kusvikira pavanopinda paHamati, kuti vatore areka yaMwari paKiriatijearimi. 6Dhavhidhi akakwira, iye navaIsiraeri vose, vakaenda Bhaara, ndiro Kiriatijearimi raiva raJudha, kuzotorapo areka yaMwari, iye Jehovha agere pamusoro pamakerubhi, pavanonamata Zita rake.
7Vakatakura areka yaMwari pangoro itsva, vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu; Uza naAhio vakafambisa ngoro. 8Dhavhidhi navaIsiraeri vose vakatamba pamberi paMwari nesimba ravo rose, nenziyo, nembira, nemitengerangwa, nengoma, namakandira, nehwamanda.
9Zvino vakati vachisvika paburiro raKidhoni, Uza akatambanudza ruoko rwake kuti abate areka, nokuti nzombe dzakanga dzogumburwa. 10Kutsamwa kwaJehovha kukamukira Uza, akamuuraya, nokuti akatambanudza ruoko rwake kuti abate areka; akafirapo pamberi paMwari. 11Ipapo Dhavhidhi akaora mwoyo nokuti Jehovha akarova Uza; akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Pereziuza kusvikira zuva ranhasi.
12Dhavhidhi akatya Mwari nomusi uyo, akati, “Ndingaisa areka yaMwari kumusha kwangu seiko?” 13Naizvozvo Dhavhidhi haana kuisa areka yaMwari kumusha kwaDhavhidhi, asi akaitsausira kumba kwaObhedhiEdhomu muGiti. 14Areka yaMwari ikagara pamhuri yaObhedhiEdhomu mumba make mwedzi mitatu; Jehovha akaropafadza imba yaObhedhiEdhomu nezvose zvaakanga anazvo.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Makoronike 13: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002