Zefania 1
1
Jehova ucatoŋga Juda neJerusarema.
1Shoko raJehova, rakaȿika kunaZefania, mŋanakomana waKushi, mŋanakomana waGedaria, mŋanakomana waAmaria, mŋanakomana waHezekia, namazuʋa aJosia, mŋanakomana waAmoni, mambo waJuda.
2Ndicaparadza cose ɀinhu ɀose ɀiri pasi pose — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 3Ndicaparadza ʋanhu neɀipfuwo; ndicaparadza shiri dzokuɗeŋga, nehoʋe dzeguŋgwa, neɀigumbuso pamŋe cete naʋakaipa; ndicabvisa ʋanhu pasi pose — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 4Ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu kunaJuda, nokunaʋose ʋagere Jerusarema; ndicabvisa ʋakasara ʋaBaari panɀimbo ino, nezita raʋaKemarimi pamŋe cete naʋaprista; 5naʋanonamata hondo dzokuɗeŋga pamateŋga edzimba, naʋanamati, ʋanopika naJehova ʋacipika ʋo naMarkami; 6naʋakadzoka pakuteʋera Jehova, naʋasina‐kutȿaka Jehova kana kumubvunza.
7Nyararai pamberi paShe Jehova, nokuti zuʋa raJehova raʋa pedyo; nokuti Jehova wakagadzira ciɓayiro, ʋakakokwa naye wakaʋaita ʋatȿene. 8Ɀino nezuʋa reciɓayiro caJehova ndicaroʋa macinda naʋanakomana ʋamambo, naʋose ʋakapfeka ŋguʋo dzaʋatorwa. 9Nezuʋa iro ndicaroʋa ʋose ʋanoɗarika cikumbaridzo, ʋanozadza imba yatenzi waʋo nokupambara nokunyeŋgera. 10Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova — kucanzwika mhere inobva pasuʋo rehoʋe, nokucema kunobva kurutiʋi rutȿa rweguta, nokukoromoka kukuru kunobva kumakomo. 11Cemai imi mugere Makteshi; nokuti ʋanhu ʋose ʋeKanani ʋapera, ʋose ʋakaŋga ʋakafuma sirveri ʋabviswa. 12Ɀino neŋguʋa iyo ndicanɀera Jerusarema nemŋenje; ndicaroʋa ʋarume ʋagere pamasese aʋo, ʋanoti mumŋoyo yaʋo: Jehova haaŋgaiti ɀakanaka, ʋuye haaŋgaiti ɀakaipa. 13Fuma yaʋo icaitwa ɀakapambga, nedzimba dzaʋo matoŋgo; ɀirokwaɀo, ʋacaʋaka dzimba, asi haʋaŋgagari’mo; ʋacasima minda yemizambiriŋga, asi haʋaŋganwi waini yayo. 14Zuʋa guru raJehova raʋa pedyo, raʋa pedyo, rinokurumidza kwaɀo, iro inzwi rezuʋa raJehova; mhare inocema’po ɀikuru kwaɀo. 15Zuʋa iro izuʋa rokutsamŋa, zuʋa rokutambudzika nokumanikidzwa, zuʋa rokurashwa nokuparadzwa, zuʋa rerima nerokuȿiɓa, zuʋa ramakore nerezarima guru, 16zuʋa rehwamanda neremhere, ɀinoridzirwa maguta akakomberedzwa namaȿiŋgo neshoŋgwe dzakakwirira. 17Ndicaʋuyisira ʋanhu kumanikidzwa, kuti ʋafambe samapofu, nokuti ʋakatadzira Jehova; ropa raʋo ricaɗururwa seguruʋa, nenyama yaʋo sendoʋe. 18Sirveri yaʋo kunyaŋge ndarama yaʋo haɀiŋgagoni kuʋarwira nezuʋa rokutsamŋa kwaJehova; asi nyika yose icapedzwa nomŋoto wegoɗo rake; nokuti ucapedza, ɀirokwaɀo ucapedza ɀinotyisa, ʋose ʋagere panyika.
Zvasarudzwa nguva ino
Zefania 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018