Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaRoma 14

14
Mŋoyo murefu kunaʋasinesimba pakutenda.
1Ɀino gamucirai usinesimba pakutenda kwake musiŋgaiti gakaʋa naye pamsoro pokufuŋga kwake. 2Mumŋe munhu unokutenda kuti uŋgadya ɀose; asi usinesimba unodya miriʋo. 3Unodya ŋgaarege kuɀidza usiŋgadyi; usiŋgadyi ŋgaarege kupa mhoȿa unodya; nokuti Mŋari wakamugamucira. 4Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumŋe munhu mhoȿa? Iye unomira kana unowa pamberi paShe wake. Ucamiswa hake, nokuti Ishe unesimba rokumumisa. 5Mumŋe munhu unoti zuʋa rimŋe rinopfuʋura rimŋe; mumŋe unoti mazuʋa ose akafanana. Mumŋe nomumŋe ŋgaaziʋe kwaɀo mumŋoyo make. 6Uyo unoceŋgeta zuʋa, unoriceŋgeta nokuɗa kwaShe; uyo unodya, unodya nokuɗa kwaShe, nokuti unoʋoŋga Mŋari; uyo usiŋgadyi, haadyi nokuɗa kwaShe, naiye unoʋoŋga Mŋari. 7Nokuti hakunomumŋe weɗu unoɀiraramira iye oga, hakuna‐unoɀifira iye oga. 8Nokuti kana ticirarama tinoraramira Ishe; kana ticifa, tinofira Ishe; ɀino kana ticirarama, kana ticifa, tiri ʋaShe. 9Nokuti Kristu wakafira iɀoɀi, akararama ɀe kuti aʋe Ishe waʋose — ʋakafa naʋapenyu. 10Ɀino iwe, unopireiko hama yako mhoȿa? Kana newe ʋo, unoɀidzireiko hama yako? Nokuti isu tose ticamira pacigaro cokutoŋga caMŋari. 11Nokuti kwakanyorwa, kucinzi:
Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinoreʋa Ishe — ibvi rimŋe nerimŋe ricandifugamira,
Rurimi rumŋe norumŋe rucakudza Mŋari.
12Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe weɗu ucaɀiɗaʋirira kunaMŋari.
13Naiɀoɀo ŋgatirege kuramba ticitoŋgana; asi ɀirinani kuti mutoŋge, kuti munhu arege kuisa cigumbuso kana cinopiŋganidza pamberi pehama yake. 14Ndinoziʋa, nokuziʋisisa kwaɀo munaShe Jesu, kuti hakunecinhu cinetȿina cimeme; asi uyo unoti, cinetȿina, kwaari cinetȿina. 15Nokuti kana hama yako iciȿiɓiswa mŋoyo nokuɗa kweɀokudya, iwe haucafambi noruɗo. Usaparadza neɀokudya ɀako uyo wakafirwa naKristu. 16Naiɀoɀo kunaka kwenyu ŋgakurege kuɀidzwa. 17Nokuti ʋushe bgaMŋari haɀizi ɀokudya kana ɀokunwa, asi kururama, norugare, nomufaro muMŋeya Mutȿene. 18Nokuti unoɓatira Kristu paɀinhu iɀi, unofadza Mŋari, ʋuye unotendwa naʋanhu. 19Naiɀoɀo ŋgatitȿake iɀo ɀinoʋuyisa rugare neɀatiŋgasimbisana naɀo. 20Regai kuparadza ɓasa raMŋari nokuɗa kweɀokudya. Ɀinhu ɀose ɀakanaka haɀo: asi ɀakaipira munhu unodya acigumbusa ʋamŋe. 21Ɀakanaka kusadya nyama, kana kusanwa waini, kana kusaita cimŋe cinhu ciŋgagumbusa hama yako. 22Kana uri iwe, kutenda kwaunako uʋe nako umene pamberi paMŋari. Wakaropafadzwa munhu uyo usiŋgaɀipi mhoȿa paɀinhu ɀaanoɀitendera. 23Asi uyo unonyunyuta waʋa nemhoȿa kana acidya, nokuti haadyi nokutenda; ɀose ɀisiŋgabvi pakutenda, ɀiʋi.

Zvasarudzwa nguva ino

ƲaRoma 14: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda